Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vokurudzira Kuti Mabhiri eMitemo Anyorwe neMitauro Yose


Braille

Vanhu vasingaone nevamwe vane hurema hwakasiyana siyana vakawanda vanoti havasi kufara nekusiiwa kwavanoitwa munyaya dzkakosha sezvo zvinyorwa zviri kuburitswa munyika zvinenge zvisiri zve braille kana mune mimwe mitauro inoshandiswa munyika.

VaTafadzwa Chidewu, avo vasingaoni, vanoti nguva zhinji panoitwa hurongwa hwekugadziriswa mitemo, paramende haisi kuwanisa vanhu vakaisa saivo magwaro akanyorwa neBraille kuitira kuti vazviverengerewo vonzwisisisa mitemo inenge ichiumbwa.

VaChidewu vakaudza Studio 7 kuti: “Zvinhu zvakaita seBraille izvi tinofanirwa kuzvipuwa paine nguva uye zviri in braille tigowerengawo tega tigonzwisisa kuti zviri kuendepi kana kuti zviri kubvepi, nekuti apa chimwe chingezi chacho hatizochinzwisisi asi kana zviri kwedu tinozvinzwisisa. Saka munoziya kuti vazhinji vanorarama nehurema mikana yekuenda kuchikoro yange iri mishoma saka hatina kunyanya kudzidza.”

Amai Cathrine Sithole, avo vanogara mumusha weSakubva, vanoti zvakakosha kuti magwaro enyika ange achikwanisa kuverengwa nemunhu wese kuitira kuti munhu wese akwanisewo kupa pfungwa dzake.

Mugari wekuHobhouse kwaMutare, VaJames Gweta, vanotiwo hurumende inosungirwa kukoshesa kushandisa mitauro yose iri mubumbiro remitemo yenyika kuitira kuti vanhu vanzwisise mabhiri emitemo yenyika nezvimwe zvine chekuita nenyika.

“Panyaya yatiri kuona iyi kune ma-citizens zvikuru kunesu vane ma-disabiliities tinoona pane nyaya ye exclusion pakuti hazvisi muma-local languages edu zvose zvinenge zvichiitwa munyika uyezve kana braille haipo,” vanodaro VaGweta.

Pfungwa idzi dzakabudawo pamusangano wakaitirwa maMutare apo paizeyiwa mabhiri emitemo mitsva, uye vanhu vachinzi vapewo pfungwa dzavo.

Pamusangano uyu painge pasina zvinyorwa zveBraille, izvo zvisina kufadza vasingaoni.

Nhengo yedare reSeneti, VaDavid Parirenyatwa veZanu PF, vakaudza musangano uyu kuti chinangwa chavo chekupinda muvanhu chaive chekunzwa zvinodiwa neveruzhinji, kusanganisira vasingaoni nevamwe vane hurema hwakasiyana siyana.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anotiwo zvakakosha kuti zvose zvinenge zvichiiswa muvanhu zvinge zviri mumitauro inonzwisiswa neveruzvinji sezvo bumbiro remitemo yenyika richiremekedza mitauro yose iri gumi nemitanhatu, kwete kuti mitauro mishoma inge ichishandiswa munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG