Accessibility links

Breaking News

VaRegai Tsunga Vanosungwa Vachipa Vanhu Chikafu


MUTARE MARKET2

Mumiriri weMutasa South mudare reparamende, uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaRegai Tsunga, vasungwa nemapurisa pamwe nevamwe vavo vanopfuura gumi vachipomera mhosva yekugovera upfu zviri kunze kwemutemo.

Asi VaTsunga nevamwe vavo vazobhadhariswa faindi yemadhora mazana mashanu pamunhu kuitira kuti varegedzwe vachienda kudzimba dzavo.

VaTsunga vaudza Studio7 kuti vasungwa nhasi mangwanani pamwe nevamwe vavo gumi nemumwe, kusanganisira kanzura weWard 11, kuBordervaile, VaFarai Bhiza, apo vange vachipa vagari veko upfu.

"Mangwani anhasi tange tiri paMacs business centre muno maMutare tiri kubatsira vanhu vange vari kuchema nekushaya chekudya kuburikidza nelockdown iripo saka tange tichida kutora mari kuti tivatsvagire chekudya asi mapurisa haana kuda kunzwisisa kuti tange tiri kubatsira vanhu vakatiendesa kuMutare Central police station," vadaro VaTsunga.

VaTsunga vati vazobatsirwa nemagweta, ayo anosanganisira munyoi wezvemitemo mu MDC, VaInnocent Gonese, kuitirakuti vakwanise kubvisa faindi kuitira varegedzwe.

"Tabatsirwa nemagweta VaInnocent Gonese naVaKabaya kuti tiregedzwe tikanzi bvisayi mari $500 iyi tiregedzwe kana kuti tiendeswe kudare totongwa. Asi sekuona kwangu pange pasina nyaya nekuti tiri kubatsira hurumende."

VaTsunga vati mhosva yavapomerwa nayo ndeyekufamba famba zvisina mwero panguva iyo nyika yakavharwa nekuda kwechirwere cheCOVID-19.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumukuru wemapurisa mudunhu reMutare, Amai Florence Marume, sezvo nhare mbozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Mune imwewo nyaya kanzuru yeguta reMutare yakaitira vagari hurongwa hwemisika inotengesa zvirimwa kuti ive pedyo nenzvimbo dzavoanogara senzira yekuderedza huwandu mukuungana kwevatengesi vezvirimwa nevatengi kunzvimbo yemusika weSakubva

Misika iyi yakaiswa mumisha yeSakubva, Dangamvura neChikanga.

Asi vatengesi nevatengi vave kunyunyuta vachiti zviri kutengeswa zvacho zviri kuvadhurira zvakanyanya. Vagari vanoti vanhu vari kuuya nezvirimwa izvi vanenge vatotengawo kumusika weSakubva kwete kuti ndivo varimi vanenge vachitarisirwa kuhodhesa.

Mugari wemaMutare, VaHerbert Dzakatira, vanoti zvakanaka kuti musika wauya pedyo hawo asi uri kuvadhurira zvakanyanya.

Mumwewo mugari wemuHobhouse, Ambuya Laiza Munandi, vatiwo vanofara nekuvepo kwemusika pedyo asi vanochema nekudhura kuri kuita zvinhu zviri kutengeswa zvacho.

Vanhu vazhinji maMutare vari kutevedzera kurudziro yekugara mudzimba sezvakataurwa asi mune dzimwe nzvimbo kucherechedza uku kuchiri kunetsa vakawanda, kunyanya vanenge vari mumisika, kana mumutsete yezvitoro vachitenga nevanenge vachikwirawo mabhazi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG