Accessibility links

Breaking News

Mvura Yonetsa Kuwana kwaMutare


 Mutare Water SItuation
Mutare Water SItuation

Nzvimbo dzakatarisana nekushaya mvura dzinosanganisira Sakubva, Dangamvura, Chikanga, Hobhouse1-2-3, Dreamhouse, Zimta Park, Natview Park, Musha Mukadzi, Gimboki, neFederation.

Mumwe mugari wekuHobhouse Two, Amai Agnes Musabayana, vanoti nekushaikwa kwemvura munzvimbo yavanogara, madzimai ndiwo ari kuremerwa nemutoro sezvo vari ivo nguva zhinji vanonochera mvura kunzvimbo dziri kure dzinenge dzichiwanikwa mvura.

"Isu madzimai hapana chinoshandika kana pasina mvura saka zvakatiomera. Ndamuka mangwanani na3 asi ndashaya mvura yacho yekuti vana vageze vaende kuchikoro, handizivi todii. Dai kanzuru yaita kuti mvura ikurumidze kudzoka zviendeke nekuti tarwadziwa," vadaro Amai Musabayana.

Mumwe mudzimai wemumusha weGarikai/Hlalani Khuhle, Amai Lina Maunganidze, vanotiwo vave kutyira hutano hwevanhu sezvo mvura yave kushandiswa ichibva muzvikova nematsime.

"Ini ndave kutotyira hurwere. Honaiwo matiri kuchera mvura yacho murukova umo, zvinoitawo here izvi? Kanzuru ngaitiwanire mabauza ekuti tiwane mvura yakachena yekushandisa nekuti yava vhiki yose pasina mvura muno," vadaro Amai Maunganidze

Mumwe mugari wemuHobhouse, Amai Mary Marange, vanoti vari kumukira kuenda kutsime sezvo mvura iri kuuyiswa nekanzuru yeguta nemotokari dzinotakura mvura isiri kukwanira vagari vose.

"Nyaya yemvura yakutonetsa inini nhasi uye kwese kumashure uku ndange ndichimuka kuma 3 kuti pamwe ndoiwana asi yaipera paBhauza racho rekanzuru. Dai vaiwuyisa akawanda mabhauza acho nekuti tanetseka nekuti mvurra toiwana kupi," vadaro Amai Marange.

VaPassmore Chiropa, avo vane chibhorani munharaunda iyi, vanoti chibhorani chavo chawandirwa nevanhu vanoda mvura izvo zvopa kuti vamwe vashaye vopedzisira vochera mvura murwizi. VaChiropa vanoti kanzuru inosungirwa kuona kuti yawanira vanhu mvura yakachena nekuchimbidza.

Kanzura weguta reMutare uye vari sachigaro vekomiti inoona nezvemvura, VaJohn Nyamhoka, vanoti dambudziko remvura riri kukonzerwa nekutsemuka kwakaita imwe pombi inobva kutengi rinopa mvura guta reMutare.

VaNyamhoka vanoti kanzuru yavo iri kuita zvose zvainogona kugadzirisa dambudziko iri nekuchimbidza.

VaNyamhoka vanoti guta harina mabhauza anokwanira vanhu munguva dzakadai dzekunetsa kwemvura senguva ino.

Munyori weguta reMutare, VaJoshua Maligwa, vakaudza mumwe musangano kuti pombi zhinji dzinotakura mvura dzavakuda kuchinjwa poiswa itsva dzinokwanisa kutakura mvura inokwanira vagari vanopfuura zviuru mazana mana vari muguta iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG