Vanhu vakasangana nedambudziko remafashamu emvura kumatunhu eChimanimani nekuchipinge vari kuchema chema nenyaya yekuti vawanirwe zvekudya, zvekufuga, uye mishonga kune vanorwara.
Izvi zvinotevera kusveeroredzwa kwaitwa vamwe vatungamiriri vebato iri nhasi vanofungidzirwa kuti vari kudawo chigaro china VaChamisa.
Vatendi vekereke yeAnglican kwaMutare nemusi weChishanu vakaratidzira vachiti mukuru wavo Bishop Enock Ruona vasiye basa vachivapomera mhosva yekuita zvehuori pamwe nechipangamazano chavo vari gweta VaAshel Mutungura. Asi vaviri ava vari kuramba mhosva iyi.
Kwaive nemufaro mukuru neChitatau apo vagari vemunharaunda yekwaBangure kuBuhera Central vakatambidzwa zviri pamutemo dhamu nemunda wemadiridzo izvo zvichashandiswa nemhuri makumi manomwe.
Vamwe vegari vekwaMutare vanoti vari kufara zvikuru nekuuya kwemabhazi eZUPCO muguta mavo vachiti vemakombi vainge voita madiro aJojina vachivabhadharisa mari dzakawanda zvikuru.
Vagari vekuARDA Transau vari kufara zvikuru zvichitevera mutongo wapihwa nedare repamusoro kwaMutare wokuti mhuri dzinodarika mazana masere dziripwe kutamiswa kwadzakaitiswa makore akati kuti apfuura.
Nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inomirira Mutasa South mudare reparamende, VaRegai Tsunga, vanoti basa rekumirira vanhu venharaunda yavo riri kuvatemesa musoro sezvo zvinodiwa nevanhu ava zvakawanda.
Vagari vekumaruwa ekuZimunya mudunhu reManicaland vanoti havaoni chiedza mugore idzva ra2019, sezvo zvinhu zvanga zvisina kuvamirira zvakanaka mugore ra 2018.
Varorarama neHIV/Aids mudunhu reManicaland vanoti vakatarisana nedambudziko guru kwazvo rekushaya mishonga inopedza marwadzo anokonzerwa nehutachiona.
Kanzuru yeguta reMutare inoti ichashandisamari inosvika mamiriyoni makumi mana nemaviri emadhora mubhajeti rayo regore rinouya.
Madzimai edunhu reManicaland anoti ari kushushikana zvikuru nekushungurudzwa kwaanoitwa mudzimba. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa kwaMutare uyo wakarongwa nesangano reTransparency Zimbabwe rakabatana nereConscious Development and Empowerment Trust, kana kuti CODET.Nyaya ina Loirdham Moyo.
Mumwe wevange vari pamusangano maMutare, Amai Violet Murove Mugadza, vati nguva zhinji madzimai anoshungurudzwa haaendi kunomhan’ara kushurudzwa kwavo kumapurisa nepamusana pekuti mapurisa haatori matanho akakodzera.
Vatsigiri veZanu PF kuManicaland varatidzira pamuzinda webato ravo vachiti havazi kufara nemabatirwo avari kuitwa nehurungamiri hwebato mudunhu iri.
VaOzwell Chitere vari kumirirwa nemagweta anosanganisira VaRangarirai Mubata, VaBlessing Nyamaropa naAmai Peggy Tavagadza.
Vari kukwikwadza musarudzo dzekumirira matunhu akasiyana siyana muparamende vari kuuya nenzira dzakasiyanasiyana dzekukwezva uye kuwana rutsigiro kune vachavhota musi was 30 Chikunguru dzinosanganisira kuita mitambo yenhabvu yevechidiki uye bhora remadzimai nevanasikana vasvika zera rekuvhota.
Vachitaura kuzviuru nezviuru zvevanhu vaungana muGaza stadium kuChipinga, VaChamisa vati Zec inofanirwa kusiyana nedanho rekuvhotesa mapurisa nemauto mumakamba avanogara sezvo izvi zvichipa mukana wekuti sarudzo dziite mutauro.
Masangano evanorarama nehurema ari kuchema chema nenyaya yekushayirwa mari nehurumende yekuti vakwanise kuita mabasa anovandudza mararamiro evanhu ava izvo zviri kuvadzorera shure muzvirongwa zvavo.
Vagari vemumusha weSakubva kwaMutare nhasi varatidzira pamuzinda wekanzuru yeguta iri vachiti vanoda kuvhurirwa mvura nemagetsi izvo zvakavharwa nekanzuru yavo.
Vagari vekumisha inogara veruzhinji yeSakubva neDangamvura kwaMutare vavharirwa mvura uye magetsi nekuda kwezvikwereti zvavainazvo kukanzuru yeguta reMutare uye nekukambani yemagetsi yeZESA. Misha yavharwa magetsi nemvura iyi ndeyedzimba dzekanzuru. Amai Auxilia Hamadziripi votaura na Loirdham Moyo.
Vagari vekumisha inogara veruzhinji yeSakubva neDangamvura kwaMutare vavharirwa mvura uye magetsi nekuda kwezvikwereti zvavainazvo kukanzuru yeguta reMutare, uye nekukambani yemagetsi yeZESA. Misha yavharwa magetsi nemvura iyi ndeyedzimba dzekanzuru. VaThomas Musiyarira votaura naLoirdham Moyo.
Rodhai zvimwe