Accessibility links

Breaking News

Vari Kukwikwidza Musarudzo Voshandisa Nzira Dzakasiyanasiyana Kutsvaga Rutsigiro


Sarudzo dziri kuitwo musi w 30 Chikunguru dzave kutadzisa vari kukwikwidza kurara dzerugare.
Sarudzo dziri kuitwo musi w 30 Chikunguru dzave kutadzisa vari kukwikwidza kurara dzerugare.

Vari kukwikwadza musarudzo dzekumirira matunhu akasiyana siyana muparamende vari kuuya nenzira dzakasiyanasiyana dzekuwana rutsigiro kune vachavhota musi was 30 Chikunguru dzinosanganisira kuita mitambo yenhabvu yevechidiki uye bhora remadzimai nevanasikana vasvika zera rekuvhota.

Vamwe vevari kuita mitambo yekukurudzira vechidiki mumitambo ndiVaBrighton Mupfapaire avo vari kuda kumirira Makoni North mudare reparamende vakazvimirira voga.

Vachipindura mubvunzo wekuti sei vakafunga kuita izvi, VaMupfapaire vanoti donzvo ravo nderekuti vechidiki ava vasiyane nezvemhirizhonga uye zvinodhaka.

Mumwe wevechidiki vange vari pamutambo uyu, VaTendai Shamu, vanoti vanofara nechirongwa chekutsvaga vechidiki vanogona kutamba nhabvu sezvo zvichivapa mukana wekusumukira.

Mumwe mukomana wechidiki ange ari kutambawo nhabvu pachirongwa ichi, VaTichaona Garapo, vanoti vanotarisira kuti vachaenda kuparamende havazovakanganwi.

Amai Precious Samanga avo vange vari pamutambo uyu vanoti vanonzwa mufaro mukuru nekugadzirirwa chiitiko achi vachivimba kuti aka kanenge kasiri kekutanga nekugumisira.

Vamwe vari kukwikwidza kuMakoni North vanosanganisira VaMabvepi Munanga, Amai Virginia Munanga, VaPaul Chigume, VaJames Munetsi, VaMoses Manyengawana, VaClever Nyawaranda naVaJoseph Chiro.

VaMunanga vanoti vakakunda vanoda kuti vagadzirise mugwagwa unobva paHeadlands kuti uve netara pamwechete nekuti vechidiki vakwanise kuwana mabasa vawane cheuviri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG