Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vofarira Mabhazi eZUPCO kwaMutare Asi veMakombi Vachigunun'una


Zupco, Mutare
Zupco, Mutare

Vamwe vegari vekwaMutare vanoti vari kufara zvikuru nekuuya kwemabhazi eZUPCO muguta mavo vachiti vemakombi vainge voita madiro aJojina vachivabhadharisa mari dzakawanda zvikuru.

Makombi anonzi ange achibhadharisa madhora maviri pari kubhadhariswa dhora nemabhazi aya. Asi hurongwa hwehurumende uhu hunoshanda here sezvo yakambozviita kare zvikazongopera sedova.

Sezvo mabhazi eZUPCO ave mashoma, hurumende iri kushanda nemamwe makambani akazvoimirira kuti itakure vanhu. KwaMutare hurumende iri kushandisa mabhazi ekambani yekwaMupfumi- yeGold Class, yeMatsatse Buses, Inter-Africa Buses nemamwewo.

Mabhazi aya ai kutakura vagari kubva kumisha inogara veruzhinji inoti Dangamvura, Chikanga, Hobhouse, Sakubva, imuna uye Penhalonga nekwaChigodora.

Amai Shantell Ngarivhume vanofamba nemakombi muguta zuva nezuva maMutare vanoti vagonerwa zvikuru pakuuya kwemadutavanhu aya nekuti vange vodhurirwa pakufamba.

“Kuuya kwemabhazi tinokufarira chose nekuti zvinoita kuti makombi asadhure stereki asi dai futi iwo idzikisawo futi nekuti kana mitengo iyi ikafanana zvakare makombi aya anokasira kuzara kudarika mabhazi vanhu vomhanyira zvakare ikoko, nekuti ivo fuel yavari kuwana iri subsidised, sekuti kuDangamvura $1,Chikanga $1 neHobhouse $1 zvofanana nemabhazi here.”

Asi VaCleopas Mucheche vanoshanda kumakombi anotakura vanoenda kwaChigodora vari kuchema nerekuti havachakwanisi kuita basa zvichitevera kupinda kwaita madutavanhu ari kushanda ari pasi pehurumende aya.

“Dai vaikwanisa kutipawo diesel iroro rakachipa kuti tikwanise kuitawo maprices avari kuita nekuti kana dhora tinokwanisa kuita parwendo parivino tange tiri kuita $3 ivo vave kuita $1.50, nesuwo tave kutoitawo mari iyoyo.”

Mabhazi aya ari kubhadharisa mari inoita dhora rimwechete muguta asi makombi aimboita madhora maviri.

KwaChigodora, iMunya uye Penhalonga kuri kubviswa dhora rimwechete rine chidimbu asi vemichovha midiki vange vobhadharisa madhora matatu parwendo.

Mumwewo anofamba nemakombi kwaMutare VaJeremiah Mabika vanoti zvaitwa nehurumende hazvina kure kwazvinosvika sezvo zvakamboyedzwa zvikatadza kubudirira.

Muzvare Patricia Mutema avo vanoita basa rekutengesa zvekudya pamusika mukuru wemuguta reMutare unozivikanwa nekuti Mudzviti waisimira madutavanhu anoenda kunze kwenyika kunyanya kuSouth Africa vari kuchema chema kuti kubviswa kwaitwa madutavanhu aya achiendeswa kumusika weHuku kuSakubva kwavapinza nzara sezvo vaitengerwa vakanyanya nevafambi vaienda kure.

Parizvino musika uyu wave wemadutavanhu vemuguta chete vasingatengi chinhu.

“Basa rakaderera sekuona kwenyu pamasvika hapana kana ambouya kutenga ndingori hwani saka dai makombi akadzokawo kunyangwe hako kuuya kwemabhai kwakanaka nekuti vemakombi vaimboshaina sitereki asi panyaya yebasa rekutengesa radzika vakanyanya.”

Mukuru wekambani yeZupco kwaMutare VaTito Chirau vanoti madutavanhu aya apinda mumigwagwa yemuguta kuzadzikisa chinangwa chehurumende chekurerutsira vagari pakufamba sezvo vemakombi vange voita madiro aJojina. Vanoti pakaitwa wirirano nevemakambani akazvimira oga kuti vavaitire basa iri sevo vasina madutavanhu akakwana anokwanira naguta ose.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG