Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoudza Hurumende Kuti Iripe Vagari Vari kuArda Transau


Chidzwa Commemorations
Chidzwa Commemorations

Vagari vekuARDA Transau vari kufara zvikuru zvichitevera mutongo wapihwa nedare repamusoro kwaMutare wokuti mhuri dzinodarika mazana masere dziripwe kutamiswa kwadzakaitiswa makore akati kuti apfuura.

Mutongi wedare repamusoro, VaIsaac Muzenda, vaudza magweta anomirira vagari uye ehurumende kuti vawiriane pane zvinodiwa kuitwa sezvo pakabviswa vanhu munzvimbo dzavaigara kuitira kuti makambani achere mangoda, vasina kuripwa.

Vagari ava vakaendesa kumatare kambani yehurumende, yeZimbabwe Consolidated Diamond Company, pamwe nebazi rezvekutongwa kwematunhu, vachida kuripwa sezvo vasina chavakapihwa zvichitevera kubviswa kwavakaitwa muminda yemangoda.

Gweta rinoshanda nesangano eZimbabwe Environmental Law Association, VaDarlington Chidarara, vanoti mutongi wedare abvumirana navo nerimwe gweta raimirira hurumende panyaya iyi, VaCaleb Mucheche, kuti vagari varipwe kutamiswa kwavakaitwa kubva kwavaigara sekuvimbiswa kwavakaitwa uye kuti muripo uyu uvepo mushure meongororo inosungirwa kuitwa mwedzi mitatu isati yapfuura.

Mugari wekuARDA Transau uye vari sachigaro weArda Transau Relocated Development Trust, VaDonald Masvaure, vati vafara nemutongo wabuda nhasi sezvo uchipa chaedza kuvazhinji.

"Tinofara nemutongo uyu nekuti tave nevimbo kuti tichawana muripo wedu sezvataitarisira kare sekuvimbiswawo kwatakaitwa nemakambani aichera mangoda kunharaunda kwatakabviswa makore apfuura. Tinoti mutongo uyu wakatinakira kwazvo," vadaro VaMasvaure.

Mumwe mugari wekwaChiadwa uye vari sachigaro weMarange Community Development Trust, MCDT, VaMalvern Mudiwa, vatiwo yange iri garoziva kuti vachahwina nyaya iyi kudare repamusoro.

"Iyi nyaya yatifadza sevagari nekuti tinoiva kuti munhu wose anekodzero yekuwanirwa zvakakodzera kana achinge achitamiswa sezviri kuda kuitwa, mufunge nyaya iyi takamboihwina zvakare," vadaro VaMudiwa.

VaMucheche, avo vange vakamirira hurumende mudare, vati vanotarisira kuti panopera mwedzi mitatu vanenge vawirirana nyaya yemari inofanirwa kubhadharwa vagari ava.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG