Accessibility links

Breaking News

Madzimai Otaura Nhunha Dzawo kuManicaland


Madzimai edunhu reManicaland anoti ari kushushikana zvikuru nekushungurudzwa kwaanoitwa mudzimba.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa kwaMutare uyo wakarongwa nesangano reTransparency Zimbabwe rakabatana nereConscious Development and Empowerment Trust, kana kuti CODET.

Mumwe wevange vari pamusangano maMutare, Amai Violet Murove Mugadza, vati nguva zhinji madzimai anoshungurudzwa haaendi kunomhan’ara kushurudzwa kwavo kumapurisa nepamusana pekuti mapurisa haatori matanho akakodzera.

Amai Mugadza vatiwo vanenge vashungurudzwa vanoudzwa kuti vanotore munhu avarova voenda naye kukamba izvo zvisingakwanisike.

"Tinosangana nematambudziko emadzimai anorohwa navanababa vasinganomhangari nyaya idzi sezvo dambudziko riri kumapurisa kuti vanoti oyi tsamba iyi, endai munouya nemunhu kana murume wakurova pamwe zvinonzi horaiti tauriranai asi apa ndinenge ndashungurudzwa monzi garai apa munzwanane. Apo tinodzoka zvakare kumba ndinonotanga zvakare kurohwa," vadaro Amai Mugabe.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemapurisa vanoona nezvekugarisana zvakanaka kwevanhu munharaunda, vePolice Community Relations Liaison Office, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mumwe ataura pamusangano uyu, Amai Samatha Marowe, vatiwo vadzidza zvakawanda zvinosanganisira kuti ivo vakainzana nevanhurume pane zvese sezvo zviri mubumbiro remitemo yenyika.

Amai Marowe vati madzimai anosungirwa kushanda sezvipangamazano kune vamwe vavo vanenge vachishungurudzwa zvakare vasakurudzire kuroodzwa kwevana vasati vokodzera.

"Ndadzidza kodzero dzangu semudzimai kuti ndine masimba ekuve ani nani wandinoda kuita kana zvichiita, ini zvakare ndadzidza kuti ndinokwanisa kuva nekodzero dzangu kuva mudzidzisi, mutungamiriri wenyika uye kusaabhiyuza vana kuti vasaroorwe vari vadiki," vadaro Amai Marowe.

Amai Gace Siyahamba vatiwo semadzimai vanosungirwa kubatana nevamwe vachiyamura vakatarisana nekushungurudzwa mudzimba.

VaPaul Shekede veCODET vaudza Studio7 kuti musangano wavo wakanangana nekupa dzidziso kumadzimai pamusoro pekodzero dzavo munyaya dzezveupfumi, matongerwo enyika nezvimwe kuitira kuderedza nyaya dzekushungurudzwa kwavo.

Madzimai anodarika makumi mana apinda mumisangano wanhasi vachibva kumatunhu anoti Dora, Murowe, Zimunya neRowa mudunhu reManicaland.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG