Accessibility links

Breaking News

Mumiri weMutasa South Oita Musangano neVagari


Mutare South residents
Mutare South residents

Nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inomirira Mutasa South mudare reparamende, VaRegai Tsunga, vanoti basa rekumirira vanhu venharaunda yavo riri kuvatemesa musoro sezvo zvinodiwa nevanhu ava zvakawanda.

Vachitaura neStudio7 mushure mekuita musangano nevagari vemunzvimbo yavanomirira, VaTsunga vati dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuvhiringawo hurongwa hwekusimudzira nzvimbo yeMutasa South.

VaTsunga vati vanhu vavanomiririra vari kuda kuti pave nehofisi yaMP wavo kuitira kuti vange vaine kwekusvitsa zvichemo zvavo chimbi chimbi.

VaTsunga vati vagari venharaunda dzekumapurazi ePenhalonga uye nekumigodhi yeRedwing Mine vanodawo kuvakirwa mabhiriji kuitira kuti vana vakwanise kuyambuka zvakanaka vachienda kuzvikoro uye madzimai achienda kuzvipatara.

VaTsunga vati zvakare kuMuchena kuMutasa South kunodiwa kuvakwa kiriniki senzira yekuderedza nzendo refu dzekuenda kuchipatara cheSt Augustine’s Mission kwaTsambe.

VaTsunga vati zvinhu zvakanyanya kusamira nemazvo pakuti imwe mari yebudiriro yeConstituency Development Fund, yegore richangopera iri, 2018 inoita zviuru makumi mashanu emadhora yekushandisa mumamwe mabasa ebudiriro, haina kutorwa kuparamende nevaimbove mumiriri wenzvimbo iyi, Muzvare Irene Zindi nechikonzero chavasingazivi pari zvino.

Muzvare Zindi hatina kukwanisa kuvabata kuti tinzwe kuti mari iyi haina kutorwa kuparamende kuti ibatsire nharaunda seyi.

Vagari veMutasa South, iyo inobatanidza masabhabha eguta reMutare anoti Greenside, Darlington, Parlmerstone nekumisha inogara veruzhinji ekuChikanga, vari kuchema nenyaya yekushungurudzwa kumuganhu wenyika.

Amai Monica Mapindu mumwe wevari kuchema nenyaya iyi vachitiwo nunzvimbo mavanogara munofanirwa kuva nemapurisa anofamba husiku achichengetedza runyararo.

Amai ava vanoti chimwe chiri kunetsa vari kushayikwa kwemagetsi emumigwagwa izvo zvopa kuti mbavha dziuye husiku sezvo kunenge kuine rima.

"Chiri kutinetsa inyaya yekushayirwa mastreet lights nema tower lights uye kusafamba kwemapurisa husiku sezvaiitwa kare apo waiti ukaonekwa nemupurisa uine kana seTV waibvunzwa kuti waiwanepi vachida receipt asi izvezvi hakuna saka tinoda kuti imi MP wedu mutibatsire panyaya iyi," vadaro Amai Mapindu.

Vagari vanoda kuti MP wavo ange achiwanikwa nguva zhinji munzvimbo dzavanogara.

Pari zvino Zimbabwe haina hurongwa hwekubatsira nhengo dzeparamende kuvabatsira nemahofisi ekushandira mumutunhu avanomirira kunze kwemakurukota ematunhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG