Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Zec Iri Kuita Zvinoita Kuti Sarudzo Dzibirwe


Nelson Chamisa At MDC Alliance Protest Harare
Nelson Chamisa At MDC Alliance Protest Harare

Mutungamiri weMDC T Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti Zimbabwe Electoral Commission, Zec, iri kuita zvinhu zvinoita kuti sarudzo dzibiridzirwe.

Vachitaura kuzviuru nezviuru zvevanhu vaungana muGaza stadium kuChipinga, VaChamisa vati Zec inofanirwa kusiyana nedanho rekuvhotesa mapurisa nemauto mumakamba avanogara sezvo izvi zvichipa mukana wekuti sarudzo dziite mutauro.

VaChamisa vati maitiro eZec ndiwo avanonotsa kumusangano wavo nhasi nekuda kwenyaya dzavange vachigadzirisa nekomisheni iyi dzine chekuita nesarudzo.

VaChamisa vati mapurisa nemauto vanovhota vachishandisa posvo, kwete kuti vavhotere mumakamba avanoshandira kugara. Vatiwo kuvhota kwemauto nemapurisa kunofanirwa kuitwa nenzira yakajeka, mapato achizviona, kwete kuita izvi muchivande.

VaChamisa, avo vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, vanoti kana vakunda, vachatora matanho anonakira munhu wese, muzvipatara muine mishonga yakakwana, vashandi vehurumende vachitambira mari ine chiremera, mapasipoti nemamwe magwaro zvichiwanikwa mumatunhu ose.

Sachigaro weMDC T muManicaland, VaDavid Chimhini, vakurudzira vatsigiri vebato ravo kuti vatsigire vakasarudzwa kumirira bato musarudzo.

Muzvare Sifiso Sithole, mwanasikana wevaimbove mutungamiri weZanu Ndonga, muchakabvu Ndabaningi Sithole, avo vari kukwikwidza kuMusikavanhu vakamirira MDC Alliance,vanoti vanoda kusimudzira pakasiyiwa nababa vavo munyaya dzezvematongerwo enyika.

"Ndakaona kuti baba havana kuzoita zvavaida kuzoita saka ndakada kuzadzisa gwara ravo, uye zvagara zviri mandiri zvekuda kubatsira vanhu vekwandiri kuMusikavanhu," vadaro Muzvare Sithole.

VaChamisa vaita mimwe misangano kuNhedziwa Chimanimani West, mangwana vachange vari kuMutasa uye neMugovera vachange maMutare muSakubva Stadium.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG