Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC, VaChamisa, Votsiura Vatsigiri Vari Kurambidza Kuti Vakwikwidzwe


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vanoti bato ravo ndere hutongi hwejekerere, nekudaro vanoda kuvakwikwidza vakasununguka.

Mutungamiriri weMDC VaNelson Chamisa nhasi vatsiura vatsigiri vavo kuti vasavharidzire kana kutyisidzira uye kuita zvemhirizhonga kune nhengo dzebato dziri kuda kukwikwidzana navo musarudzo dzekutsvaga mutungamiri webato iri dzichaitwa pakongiresi yavo mwedzi miviri inotevera.

Izvi zvinotevera kusveeroredzwa kwaitwa vamwe vatungamiriri vebato iri nhasi vanofungidzirwa kuti vari kudawo chigaro china VaChamisa.

VaChamisa vaudza mhomho yevatsigiri vavo kuti hutongi hwebato ravo ndehwejekerere nekudaro kukongiresi ndiko kuchabuda mutungamiriri webato kunyangwe hazvo ruzhinji rwevatsigiri vange vachiti varambe vari panyanga kudzamara vaenda kusarudzo muna 2023.

"MDC ibato rejekerere asi imi Manicalanda mandishamisa ndozvamuri kuda here asi ndaiti pamwe tiite izvozvo asi kana madaro tingadini; asi bhachi randakasiirwa naBaba Morgan Richard Tsvangirai ndinaro. Hatidi mhirizhonga, tinoda kubatana tinoda unity of purpose uye same direction pane gwara remusangano."

VaChamisa vanoti chinangwa chebato ravo ndechekudzosera hupenyu hwevanhu pamudyandigere pasina kudya nhoko dzezvironda sezviri kuitika pari zvino.

Vaudza vatsigiri vavo kuti kwavakashanyira kunze kwenyika vakasangana nevatungamiriri vedzimwe nyika vakawanda vakawana rutsigiro rwakasimba.

Zvichakadaro, sachigaro wemadzimai muMDC, Amai Lynnete Karenyi-Kore, vaudza vatsigiri vebato iri kuti hazviite kuti MDC ichinje hutungamiriri panguva ino izvo zvatambirwa nevazhinji vevanhu vanga vari pamusangano uyu nhasi.

"Madzimai munoziva kurwadza kunoita kubereka nekurera mwana saka patave tave kuyarutsa saka hatidi nyaya yekuti tabata ichi tasiya tobata ichi tasiya; ngatinanganeyi nezvatiri kuda navaChamisa kudzimara takunda."

Mashoko aAmai Karenyi-Kore atsinhirwa nemutevedzeri wasachigaro webato iri VaTendai Biti, avo vati hazvina kufanira kubvisa komanda wemauto hondo ichiri pakati.

"Mhuri yeMDC hapa patochinjwa commander wehondo when still in a war, commander anobva kana apedza basa saka commander wedu ndiivaChamisa saka ndivavo chete parizvino kusvika takunda hondo iyi."

Vatsigiri vakawanda vataurwa navo neStudio 7 nhasi vamira nemashoko ekuti VaChamisa varambe vachitungamirira bato kudzamara vakwikwidza nekukunda muna2023, nekuti kukwikwidzana kunokwanisa kukanganisa bato.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vane muono uyu ndiVaCrispen Mutero, avo vanoti nguva ino ndeyekuti VaChamisa vamire vakadero pasina anovakwikwidza.

"VaChamisa ngavarambe varipo nguva ino tobatana pamwechete semusangano tokwikwidzana nezanu PF muna2023 takadaro tozoona kuti pamberi tozodii asi izvezvi Chamisa chete chete!"

AMAI Esabella Mwayera vanotiwo VaChamisa vanosungirwa kutsigirwa navose kuti varambe vari panyanga pari zvino.

"Hatidi zvopatsanura musangano parizvino, ngatifambeyi nehutungamiriri huripo parizvino kudzimara tasvika kwatiri kuenda."

Vachitaurawo pamusangano wanhasi uyu, VaMwonzora vati MDC ibato rejekerere uye rinosungirwa kuita saizvozvo mukusarudza hutungamiriri kunyangwe hazvo vasveveredzwa vachitaura; pamwechete naVaMudzuri.

VaChamisa vatenda zvikuru rutsigiro rwavakawana kudunhu reManicaland kunova kwakabva huwandu hwemavhoti avo zvichienzaniswa nedzimwe nzvimbo munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG