Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu PF Vanoratidzira kwaMutare Vachiti VaMadiro Ngavaende


Zanu PF Rally Mutare
Zanu PF Rally Mutare

Vatsigiri veZanu PF kuManicaland varatidzira pamuzinda webato ravo vachiti havazi kufara nemabatirwo avari kuitwa nehurungamiri hwebato mudunhu iri.

Nhengo dzeZanu PF dzange dzichiratidzira dziine zvinyorwa zvinozvidza hutungamiriri hwaVaMike Madiro nevamwe vavo, vachiti sarudzo dzakaitwa mudunhu iri dzinofanirwa kuitwa zvakare.

Mumwe wevairatidzira ava, Va Crispen Tarumbwa, vati vanoda kuti paitwe sarudzo zvakare, uye midziyo yebato ishandiswe nenzira kwayo.

"We need fresh elections taramba varipo ava sezvo tave new dispensation we seek new and fresh elections ndozvatiri kuda muManicaland ndiro bandiko ratiinaro nokuti we are tired we these people who are now kudzinga vanhu vange vari pamberi pekushora maG40 vave kudzingwa neavo vaive muG40 cabal saka izvi ndozvatiri kuramba isu sema youths," vadaro VaTarumbwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMadiro.

Mumwe mugari, VaRueben Mundembe, vanoti motokari dzavo dzemusangano dziri kushandiswa zvisizvo nevakuru vavo.

VaGilbert Chihwai vatiwo vanowirirana nevamwe vavo panyaya yesarudzo itsva mudunhu ravo kuitira kupedza nyonga nyonga yave mubato.

Muzvare Eunice Kandororo vange vachiratidzirawo vanoti vanoshamiswa vachingonzwa kuti mubato magadzwa vanhu vatsva ruzhinji rusingazive zviri kuitika.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVaNyakuedzwa pamusoro pemhosva yavari kupomerwa yekushandisa motokari yebato nenzira isina kukodzera.

As mutevedzeri waVaMadiro mubato reZanu PF kuno kuManicaland, Amai Dorothy Mabika, vati nyaya iri kutaurwa yekubvisa hutungamiri huripo pachizoitwa sarudzo itsva ibasa revakuru vemusangano weZanu PF kwete sezviri kudiwa nenhengo dzavo.

Nhengo idzi dzakanganisa kutongwa kwemhosva iri kupomerwa VaJoseph Mujati avo vaimbove mutevedzeri wasachigaro weZanu PF muManicaland avo vakatarisana nemhosva yekusaita basa ravo nemazvo.

Vatsigiri ava vanoti VaMadiro havasi kuita zvinhu pachena, vachingogadza vanhu chete izvo vati zvinosungirwa kuguma pachiitwa sarudzo dzine jekerere sezvinodiwa ne"New Dispensation”.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG