Accessibility links

Breaking News

Vatendi veAnglican Voratidzira kwaMutare Vachiti Bishop Wavo Ari Kuita zveHuori


Anglican
Anglican

Vatendi vekereke yeAnglican kwaMutare nemusi weChishanu vakaratidzira vachiti mukuru wavo Bishop Enock Ruona vasiye basa vachivapomera mhosva yekuita zvehuori pamwe nechipangamazano chavo vari gweta VaAshel Mutungura. Asi vaviri ava vari kuramba mhosva iyi.

Vatendi ava vangangosvika makumi mashanu vakabva kumasangano eAnglican akapoteredza guta reMutare uye vainge vachinyunyuta nekwavanoti kusafambiswa zvakanaka kwenyaya dzechechi kunyanya mari yesangano. Mumwe wevainge vachiratidzira ndiVaEphraim Mukuzunga vakaratidza kusafara nehutungamiri wekerele yavo.

“Problem inaBishopu nedeyekuti ukaita kunge wamupikisa anobva ati ndave kukudzingai, saka izvezvi tine vamwe vafundisi vedu vakatonzi tinokudzingai, uye pamwe pacho pane vakatonzi you are going to die and mashoko iwayo achibva kune a high official in the church zvinorevei manje.”

Amai Doreen Kunjenjema vanoti havachadi kunzwa nezvaBisho Ruona nekuti vakavharira vatendi chechi yeSt Agnes mumusha weChikanga maMutare.

“Bishopu hatichamudi anotivharira chechi yedu achisiya akavhura yaAmai vake anoda kuti topindirepi saka ngaande hatichamudi zvachose, he must go hatichadi. He is a Satanist and should go now”

VaTonderai Muchena vanoti vanhu vechechi vanosungirwa kubatana kubvisa chavati chikwambo chapinda muAnglican.

“Vanhu ivava vakapatsanura mubatanidzwa wemadzimai kuchechi yeMufudzi Wakanaka kuDangamvura pasina chikonzero saka ngativabviseyi tisati tave nemumwe Jakazi pakati pedu; nekuti watogadzira nekuti haasiri muAnglican munhu nevamwe vaake navaMagada, Mutungura nevamwe, saka tati ngavaende, ngavaende, ngavaende!”

VaJoseph Mashingaidze wadheni wepaSt Agnes kuChikanga vanoti vapa tsamba yenyunyuto kuti zvibude pachena kuti havachina mufaro.

“Petisheni iyi yakanangana nekuti tizivise kuti hatichafari nehutungamirri hwaBhishopu wedu tauya kuti timupe nyunyuto muno muDiocese yeManicaland, ane katsika kekudzinga dzinga vatendi muchechi izvezvi kune vatendi vanosvika 20 vakatodzingwa.”

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoshaya kuti iro simba iri anoriwanepi achiita izvi ari ega, zvimwe zvezvinyunyuto ndezvemashandisirwo ari kuitwa mari saka tiri kuti dai asuduruka hake, hatisi kufara zvakare nemashandisirwo ari kuitwa mari.”

Studio 7 haina kukwanisa kubata Bishop Ruona kuti tinzwe divi ravo. Asi VaMutungura vati vanhu vari kutsutsumwa havazive mutemo wechechi unopa Bishop masimba uye achitungamira sezvaanenge audzwa naNyadenga.

“They will not understand them (church statutes/rules) so really hapana issue these are idiots, you don’t strike kana uine case. Why don’t they go to court? They want cheap publicity. Tine mitemo muchechi inova ndiyo yatinotevedzera, these are the laws emuchechi simple.”

Kuratidzira uku kwazopera pauya mapurisa akaudza vatendi ava kuti vachibva pamuzinda uyu sezvo vainge vasvitsa zvichemo zvavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG