Accessibility links

Breaking News

Vagere kuMaruwa Vochema Vachiti Hupenyu Hucharamba Huchivaomera


FILE: Unidentified rural women in Seke, Zimbabwe, 120 kilometres east of Harare, carry bags of donated maize from a food distribution point on Monday, Oct. 7, 2002. Seke is just one of many food distribution centers throughout Zimbabwe, which have been se

Vagari vekumaruwa ekuZimunya mudunhu reManicaland vanoti havaoni chiedza mugore idzva ra2019, sezvo zvinhu zvanga zvisina kuvamirira zvakanaka mugore ra 2018.

Vagari venzvimbo yeZimunya vanoti zvinetswa zvavo zvimwe zvacho zvinoda kuti pave neshanduko yehutungamiri hwenyika, sezvo hutungamiri uhu huri kukundikana kugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Mumwe wevanhu ava,VaNicholas Chinyanga, vanoti vakapedza zvidzidzidzo zvavo zvekugadzira motokari asi hapana chiri kuvafambira muhupenyu sezvo zvinhu zviri kukwira mutengo zuva nezuva.

"Ini ndinoona sekuti vatungamiriri varipo ngavabve sezvo vatadza. Gore rino ratopera iri takatarisana nezvakawanda zvinorwadza kwazvo zvekuti tikazvitaura hazvipere, saka hapana chatingambotaisia kumbei kunze kwekuti vakuru ava varipo vasiye zvigaro pauye vamwe vanogona zvavo," vadaro VaChiyangwa.

Mumwe mugari wekuDorapindo, Amai Moreblessings Mtsveta, vanochema nenyaya yekunyimwa zvekudya nembewu izvo zvinenge zvichigoverwa kumaruwa.

Amai ava vanoti kune nzara yakatarisana nenyika mwaka uno sezvo mvura isiri kunaya nemazvo, izvo zvichapa matambudziko akaomarara gore rino.

Mumwe mugari wekuRowa, VaMaxwell Mutee, vanoti chiri kunyanya kuvarwadza kusawanikwa kwemabasa nehurombo huri kuwanda muvanhu. VaMutee vanoti mitengo yezvinhu inofanirwa kudzikiswa, kuitira kuti vanoshaya vasaomerwe nehupenyu.

"Gore rino rave kupera iri takarwadziwa sezvo mukuru wedu wenyika asi kutarisa kuti ma basic commodities achipiswa pamitengo haasi kuita look into it, saka tiri kutambura every day, uye tariro yedu yegore iri riri kuuya ndeyekuti vazhinji vasingashandi tiwane mabasa nekuti takaomerwa," vadaro VaMutee.

VaPetros Mawoneke vanowana mari nekusona shangu. VaMawoneke vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinovhiringa hupenyu hwavanhu vanogara kumaruwa zvinofanirwa kugadziriswa.

VaMawoneke vanoti makiriniki nezvipatara zvinofanirwa kunge zviine mishonga, uye mari ichwanikwa nyore kumabhanga.

Vanotiwo makambani akavharwa anofanirwa kuvhurwa kuitira kuti vanhu vawane mabasa.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti vanhu vanodarika zviakamu makumi mapfumbamwe kubva muzana havana mabasa zvichitevera kuvharwa kwemakambani akawanda munyika.

Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inoti iri kukwezva vekunze kuti vazotanga mabhizinesi muZimbabwe, asi vekunze vari kuda kutanga vaona kuzvipira kuzere kuhurumende zvikuru munyaya dzekuremekedzwa kwemitemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG