Accessibility links

Breaking News

Vagari Voratidzira kwaMutare Zvichitevera Kudzimirwa Magetsi neMvura


Mutare Water Cuts

Vagari vemumusha weSakubva kwaMutare varatidzira pamuzinda wekanzuru yeguta iri vachiti vanoda kuvhurirwa mvura nemagetsi izvo zvakavharwa nekanzuru yavo.

Mazana nemazana evagari vange vachiimba nziyo dzehondo yerusununguko uye vaine zvinyorwa zvekunyomba vakuru vekanzuru apo vange vachiratidzira vari pamuzinda wekanzuru yasvo.

Vagari ava vapfiga gedhi rekanzuru kubva mangwanani kuzvika masikati apo vanga vachiimba vachiratidzira.

Vagari ava vari kunyunyuta nenyaya yekuti vakavharirwa magetsi nemvura vasina kuziviswa. Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvange zvakanzi, “Rape in darkness”, “its our right to have electricity”, “ Magetsi kuvanhu today”, Vanhu veSakubva taneta”, “tirivo vanhu, finance director must go.”

Amai Elizabeth Chagumachii vanoti nyaya dzekushungurudzwa kwemadzimai dzava kuwanda zvichitevera kuvharwa kwemagetsi.

“Tiri kubatwa mazamo mumatida umu, usiku mudima ndakatobatwa manheru zamo ranhu taguma hatichadi izvi,” Amai Chigumira vaudza Studio7.

Mumwe wevange vachiratidzira, VaEdward Mutendi, vanoti mari yechikwereti chavanonzi vanacho nekanzuru chemadhora mamiriyoni mashanu manyepo.

“Kanzuru inoti tine chikwereti che $5m, asi isusu tinoti hatina mari yakadaro dzimba dzatinogara hadzina kunaka dzine maburi matoilets ari kure uye tinofamba chinhambwe kuendako, dzimba dzine maburi uye apa kunombonaya, tinoda kuona World Cup apa hatina magetsi,” vadaro VaMutendi.

VaTinashe Pachedu vanoti zvichitevera kuvharwa kwemagetsi munharaunda mavo uye nemudzimba, vanhu vava kupara mhosva sezvo panenge pasina anovaona.

VaEdson Dube veUnited Mutare Residents and Ratepayers Trust, vanoti kanzuru inofanirwa kunzwisisa kuti vanhu vakawanda vari kuomerwa nehupenyu sezvo vazhinji vari kurarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana siyana zvinoshandisa magetsi acho akavharwa.

“Takanzwa kuti vanhu vakambozana kuda kuita nhaurirano kana kutaurirana neMutare City Council asi izvezvi pave nevhiki nemazuva anoraudzira pasina chati chafamba vachiti vanhu ava vanoita mabasa ekuzvibatsira akaita sekubika masamusa, kutoinhodza mafreezita saka apa zvovharwa ukuwo zvikoro zvakavhurwa mazuva apfura apa ndopanodza raramo saka hameno kuti kanzuru inenge ichida kuti vanhu vadini.”

Mutauriri weguta reMutare, VaSpren Mtiwi, vanoti kanzuru iri kunetseka kuwana mari yechikwereti isiri kubhadharwa nevagari saka ikasatora danho, hapana chainowana. VaMtiwi vanoti vagari vane mari yechikwereti inosvika madhora mamiriyoni mashanu uye havazi kuratidza chido kana shungu dzekubvisa mari iyi.

Asi gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaPassmore Nyakureba, vanoti kanzuru kana ani zvake haana kodzero yekuvharira vagari mvura kana pasina mvumo inopihwa nematare edzimhosva sezvo mvura iri kodzero yemunhu wose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG