Accessibility links

Breaking News

Nyakupomerwa Mhosva yeKupisa Musha weNhengo yeZanu PF Anomiswa Mudare kwaMutare


Mutare rights layers

Imwe nhengo yeMDC Alliance yekuMutasa Central yakasungwa neMugovera, yamiswa neMuvhuro mudare kwaMutare ichipomerwa mhosva yekupisa musha wenhengo yeZanu PF.

Asi mutongi wedare ati nyaya iyi ichanzwikwa mangwana.

VaOzwell James Chitere vaudzwa nemutongi wedare, VaTendai Mahwe, kuti nyaya yavo ichainzwa mangwana sezvo vange vakabatikana nedzimwe nyaya dzavanga vachifanirwa kutonga.

Izvi zvinoreva kuti chikumbiro chaVaChitere chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba, chava kunzwikwa neChipiri.

Muchuchisi wedare, VaFletcher Karombe, vati VaChitere vakanzwikwa vachiti vachapisa misha yenhengo dzeZanu PF, mushure mekutaura mashoko aya, musha waAmai Kagweda ndokubva wapiswa svondo rapera.

VaChitere vari kumirirwa nemagweta anosanganisira VaRangarirai Mubata, VaBlessing Nyamaropa naAmai Peggy Tavagadza.

VaMubata vati kunyange vasiri kufara nekuramba kwaVaChitere vari muhusungwa, vanotarisira kuti mangwana nyaya iyi ichapedzwa sekuvimbisa kwaitwa naVaMahwe.

Vakasarudzwa zvakare kumirira Mutasa Central mudare reparamende, VaTrevor Saruwaka, vati havafari nekuona nhengo yavo ichiramba ingori muhusungwa.

Papinda nyaya iyi mudare nhasi pamuzinda wedare ramejasitiriti pange pazere nhengo dzeMDC Alliance nedzeZanu PF, pamwe nevaongorori vesarudzo veEuropean Union, America nemamwe masangano akasiyana siyana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG