Accessibility links

Breaking News

USAID Inobatsira Vagari vekwaBangure kuBuhera


World Vision neENSURE vakabatana nemamwe masangano vakapa vagari veBangure kuBuhera Central dhamu neminda.
World Vision neENSURE vakabatana nemamwe masangano vakapa vagari veBangure kuBuhera Central dhamu neminda.

Kwaive nemufaro mukuru neChitatau apo vagari vemunharaunda yekwaBangure kuBuhera Central vakatambidzwa zviri pamutemo dhamu nemunda wemadiridzo izvo zvichashandiswa nemhuri makumi manomwe.

Vagari vekwaBangure vakaratidza mufaro mukuru apo dhamu ravo rakaparurwa zviri pamutemo pahurongwa hwakapindwa nehurumende pamwe nemasangano akazvimirira.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Amai Martha Vhiriri, vakati vari kufara zvikuru nebudiriro yenharaunda yavo, sezvo vave nemunda wemadiridzo.

Dhamu iri nemunda wemadiridzo zvakavapo kuburikidza nemushandira pamwe wemasangano anoti reWorld Vision, ENSURE, CARE, SAFIRE neSNV pamwe neUSAID. Budiriro iyo yakadya mari inosvika mamiriyoni mashanu emadhora.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Amai Claris Mugorodhi, vakatendawo masangano aya vachiti vana vavo vachange vowana chikafu chinovaka muviri.

“Ndinotenda veWorld Vision neveENSURE nekutirangarirawo isu vekuBuhera, zvirwere zvakaita sana Kwashi zvinenge zvisisiko nekuti vana vanenge vowana zvekudya zvakaringana nekuda kwekuti tienge torima gore rose pasina kumirira yaNyadenga. Tinenge todya chibage chinyoro sezvo kuno munoziva kwakaoma hakuna mvura yakawanda inonaya,” VaMugorodhi vakaudza Studio 7.

Mumwe mugari wenharaunda iyi, VaKudakwashe Makota, vakati kunyange hazvo vari kufara nehurongwa hutsva uhu, chikumbiro chavo chaive chekuti dhamu iri rikudzwe, uye minda yemadiridzo iwedzerwe kuitira kuti mhuri dzakawanda dziwane rubatsiro.

Mukuru wesangano reENSURE, VaRichard Ndou, vakati sangano ravo rakasarudza dunhu iri sezvo riri rimwe rematunhu munyika akatarisana nekushomeka kwemvura yekunaya.

“Program iyi yakaitwa implement after paitwa assessment yekuti kunonaya mvura shoma saka maprojects ari sustainable anofanirwa kunge ari akuwanira vanhu mvura for development iri long lasting,” VaNdou vakaudza Studio 7.

Gurukota redunhu reManicaland, Amai Ellen Gwaradzimba, avo vaive munyarikani mukuru pachiitiko ichi, vakurudzira vagari kuti vachengetedze zvakanaka zvavaitirwa izvi kuitira kuti vasarambe vari vanhu vanopemha.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG