Accessibility links

Breaking News

Vakawirwa neDambudziko reDutumupengo Vokumbira Rubatsiro


A family digs for their son who got buried in the mud when Cyclone Idai struck in Chimanimani about 600 kilometers (375 miles) southeast of Harare, Zimbabwe, March, 19, 2019.
A family digs for their son who got buried in the mud when Cyclone Idai struck in Chimanimani about 600 kilometers (375 miles) southeast of Harare, Zimbabwe, March, 19, 2019.

Vanhu vakasangana nedambudziko remafashamu emvura kumatunhu eChimanimani nekuchipinge vari kuchema chema nenyaya yekuti vawanirwe zvekudya, zvekufuga, uye mishonga kune vanorwara.

VaTatenda Munarwo vanoti vari kushushikana nenyaya yekuti vana vachange vave kufamba mitunhu mirefu kuti vasvike kuchikoro sezvo zambuko raishandiswa rakaparadzwa nemvura.

VaTendai Chikoti vanoti mabasa evakawanda akanganisika nekuti vemichovha vanenge vasisina chouviri, ukuwo vemisika vanenge vasina vanovatengera zvinhu zvavo.

Ishe Makumbe vekuBuhera vanoti hurumende inosungirwa kuona kuti vanhu vabatsirwa pachine nguva.

"Sehurumende yavanhu toda kuti mabasa aitwe nekuchimbidza kuti vakashaya vavigwe zvakanaka zvine chiremera zvakare zvine mutsigo, pakaparadzwa panotarisirwa kuti pagadziriswewo nenguva," vadaro Ishe Makumbe

Mashoko aya atsinhirwa naIshe Nerupiri vekuBuhera zvakare avo vange vari kushanyira nzvimbo dzakawira nedambudziko remafashamo emvura kuChimanimani.

Mumwe mugari wenharaunda iyi, VaEsau Chimange, vanoti vanoda kuti vabatsirwe nezvekudya, zvekupfeka, pekugara uye kuti vanhu vakashaya vavigwe zvine chiremera.

Mugari wekuTanganda kudunhu reChipinge, VaSugar Sigauke, vanoti vari kurwadzikana zvakanyanya nezvakaitika.

"Tiri kuchema kuti dzimba nema shops edu akapaeadzwa totangira papi manje saka dai tikaonekwawo kuti tibatsirikane nezvaitika izvi," vadaro VaSigauke.

Zvichakadai gurukota rinoona nezvekurima, VaPerrence Shiri, vaudza vatori venhau kuti huwandu hwevanhu vashaya nekuda kwemvura yemafashamu nedutumupengo hwasvika pamakumi mapfumbamwe nevasere.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo variu maMutari pari zvino, vari kutarisirwa kushanyira Chimanimani neChipinge.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG