Accessibility links

Breaking News

Mishonga Inoderedza Hukasha hweHIV/AIDS Yonetsa Kuwana kuManicaland


Pharmacy
Pharmacy

Varorarama neHIV/Aids mudunhu reManicaland vanoti vakatarisana nedambudziko guru kwazvo rekushaya mishonga inopedza marwadzo anokonzerwa nehutachiona.

Mishonga iyi haisi kuwanikwa muzvipatara zvizhinji mudunhu reManicaland kusanganisira nechipatara chihombe cheMutare Provincial Hospital.

Mukuru wesangano reFamily Aids Support Organisation, FASO rinoshanda uye kubatsira vanorarama neHIV/AIDS, VaCasper Pound, vanoti mishonga yavanosungirwa kuti vange vachitora pakupera kwemwedzi mitatu yega yega, vave kupihwa yemasvondo maviri chete, uye inenge isina kukwana izvo vanoti zvinokanganisa utano kana raramo yevazhinji.

“Isu dambudziko ratakatarisana naro sevanhu vanorarana neutachiwana hweHIV nderemishongo isina kutikwanira muzvipatara. Zvakare tiri kupihwa inongokwana nguva shoma zve-two weeks chete kunze kwethree months. Dambudziko iri nderenyika yose ue tinongonzi ichauya asi hapana chiri kuitika,” vadaro VaPound.

VaPound vanoti nekuoma kwakaita dambudziko ravo vanoda kuti gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, vajekese kuti nyaya iyi yakamira seyi uye kuti ichagadziriswa seyi.

Amai Lydia Kambuya, avo vange vachida kutorera muzukuru wavo mapiritsi pachipatara chikuru chemudunhu reManicaland, vati vafambira dhongi rakaora.

“Isi tinechichemo chekuti tiri kushaya mishonga muchipatara chedu chikuru cheGeneral, tine vana vatiri kushayia mishonga iyoyo apa ndivo vachave vatungamiriri wedu vamangwana, tinoda kuti vepageneral pacho vatibatsire nekuti mapiritsi emaARV hatisi kumawona,” vadaro Amai Kambuya.

Vanopamidzira vachiti dai hurumende ikakurumidza kupindira nyika isati yarasikirwa nehupenyu hwevanhu vakawanda.

Chiremba mukuru wedunhu reManicaland, Dr Matron Mafaune, havana kubatika kuti tinzwe kuti hurumende ichagadzirisa seyi daumbudziko iri.

Zimbabwe ine vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana mana ezviuru vari pamishonga yemaARVs, uye mishonga iyi yakawanda yacho inobva kuAmerica pasi pechirongwa che President’s Emergency Plan for AIDS Relief, Pepfar.

Kubva muna 2004 kusvika gore rino, Pepfar yashandisa mari inosvika bhiriyoni rimwe chete remadhora, uye gore rino chete, yakashandisa mari inoita zana nemakumi mashanu emamiriyoni emadhora muzvirongwa zveHIV/AIDS.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG