Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Voita Musangano Mukuru kwaMutare


Masangano evanorarama nehurema ari kuchema chema nenyaya yekushayirwa mari nehurumende yekuti vakwanise kuita mabasa anovandudza mararamiro evanhu ava izvo zviri kuvadzorera shure muzvirongwa zvavo.

Masangano evanorarama nehurema anopfuura makumi mana nemaviri ari maMutare uko vari kushambadzira mabasa avo kune veruzhinji kuNational Disability 2018 Expo iyo inopera neChishanu.

Vanorarama nehurema hwakasiyana siyana vabva kumativi mana enyika uye vari maMutare vachitaridza zvavanogona kuita nemaoko avo kune veruzhinji chinova chiitiko chechitanhatu kuitwa munyika asi chiri chekutanga kuitirwa mudunhu reManicaland kwaMutare.

Amai Juliet Muzondo mumwe wevakaronga zuva chiitiko ichi cheNational Disability Expo. Amai Muzondo vanoti kunyangwe hazvo chiitiko ichi chiri kufamba zvakanaka vanorarama nehurema pamwe nemasangano acho havazi kuwanirwa zvakaringana nehurumende pazvikwanisiro zvemabasa avo.

“Dambudziko guru ratinowadzosangana naro pakuita zvakadai inyaya dzemaresources, tikanyatsotarisira disability allocation yedu yagara iri shoma saka for maevents akadai, mari inenge iri shoma saka tinongobatanidza batanidza kusvikira zvaita.”

Amai Muzondo vanoti Disability Expo iyi yave nenguva yakati kuti ichiitwa iine chinangwa chekuzvishambadzira zvinogonekwa nevanorarama nehurema kuruzhinji rwevanhu munyika.

VaTafadzwa Matope mudzidzi paBulawayo Polytechnic uye vari murwiri wekodzero dzevakaremara vanoti Expo iriko iyi inobatsira vakawanda nenzira dzakasiyana siyana kusanganisira nevasina kuremara.

“Expo iyi inotobatsira nevaya vasina hurema kuti vange vave kunzwisisa uye kuva neruzivo rwakatsetseka ruzivo rwaka kwenenzverwa kuti kana mwana kana akaremara kana munhu mukuru kana akaremara, chembere kana yakaremara inochengetwa seyi, inofanirwa kunge ichiraramawo seyi, uyezve kana tikapinda muzvikoro vamwe vatinenge tichipinda navo vaye vanenge vave kukwanisa kunzwisisa kuti kana munhu akaremara uyu anobatwa seyi.”

VaWallace Mupfumwa vanoshanda nesangano revakaremara rinonzi Freedom to the Disabled Persons in Zimbabwe. VaMupfumwa vanoti kusangana kwemasanganao aya pamwechete kunopa kudyidzana kunobatsira kuti vagovane ruzivo munezvakasiyana siyana.

“PaExpo inguva inosangana vanhu vanorarama nehurema hwakasiyana siyana donzvo riri rekuti vanhu vapane hunyanzvi hunonowanikwa munzvimbo dzakasiyana siyana apa vanopangidzana mararamirewo avanoitawo kwavo sevanhu vanorarama nehurema.”

Pashambadziro yegore rino kuno kwaMutare pane zvakasiyana siyana zviri kutaridzwa zvinoitwa nevanorarama nehurema kumativi mana enyika zvinosanganisira zvekusona, zvirukwa, zvinyorwa, mifananidzo yekudhirowa, zvivezwa, zvekupenda nezvimwewo.

Munyika munonzi mune vanhu vanorarama nehurema vangangodarika zviuru mazana mapfumbamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG