Accessibility links

Breaking News

Vagari Vozeya Mashandisirwo eBhajeti reGuta reMutare


Mutare residents
Mutare residents

Rimwe sangano revagari vemuguta reMutare, reUnited Mutare Residents and Ratepayers Trust, UMRRT, raita musangano nevemabhizinesi, vemachechi, masangano evashandi, pamwe chete nevagari paine chinangwa chekukurukura bhajeti reguta pamwe nemashandisirwo achaitwa bhajet iri gore rinouya.

Kanzuru yeguta reMutare inoti ichashandisamari inosvika mamiriyoni makumi mana nemaviri emadhora mubhajeti rayo regore rinouya.

Pamari iyi mamiriyoni makumi matatu nematatu emadhora imari ichabviswa nevagari kuburikidza nemitero, imwe yacho ichabva kuhurumende.

Mukuru wesangano revamaindasitiri, reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, VaRemmington Mpande, vati vanotarisira kuti kanzuru inge ichicherechedza kuti makambani anoda kubhadhara mari yawo yemitero kana achiwana zvakakwana kubva kukanzuru.

"Isu seindasitiri tinotarisirawo kuti mvura inge iri available sezvo mvura kuno ichiwanikwa kubva na-6 makuseni kusvika na-1 masikati. Nekuti pamwe pese apa pakati tinenge tisina mvura, apa tichida mvura yakawandisa. Apa pese tinenge tichida mvura, tineozve dambudziko remoto unopisa zvinhu asi tinenge tisina mvura yekudzimura moto iyi, haidzimike nekuti panenge pasina mvura. Tinotarisirawo kuti migwagwa yedu kuno kwaMutare yakashatisa saka tinotarisira kuti kanzuru yedu yeMutare inge ichigadzirisa migwagwa yedu," vadaro VaMpande.

Bishopu veAnglican Church vari pamudyandigere, Va Sebastian Bakare, avo vange vari pamusangano uyu, vatiwo kanzuru yeguta reMutare inosungirwa kurangarira vanoshaya, vakaita senherera nechirikadzi sezvo pari zvino homwe yeMayor’s Christmas Cheer Fund isina mari.

Imwe nhengo yesangano rinomirira vechidiki, reConscious Development and Empowerment Trust, Muzvare Vimbai Bepera, vatiwo vanotarisira kanzuru yeMutare kuti icherechedze vachidiki mubhajeti iri kuburikidza nekuvawanira zvekuita.

"Isu sevechidiki tinoda kuti budget iyi inge iine chekuita nesuwo, zvekuti tiwanirwe mikana yekuti tinge tiine pekushandira mabasa edu emaooko ukuwo muzvipatara muchiwanikwa mishonga kuitira varwere, kunyanya vechidiki vari kuwanikwa vachiita zvezvinodhaka nekushaya chekubata panguva ino," vadaro Muzvare Bepera

Imwe nhengo yevashandi vesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaIsaac Muringo, vati bhajeti rinosungirwa kuona kuti vashandi vabhadharwa mwedzi wega wega nenguva yakafanira pamwechete nekuvawanira dzimba dzokugara nekubhadharirwa mari dzehurwere pamwe neyakufambisa kuenda nekudzoka kubasa

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reUMMT iro rakaronga musangano uyu, VaEdson Dube, vati musangano uyu wapa mukana wekuti vagari vemuguta vape muono wavo pamusoro peramangwana rinosumudzira guta.

Kanzuru yeguta reMutare inochema nerekuti vagari vane chikwereti chinosvika mamiriyoni makumi mashanu nemaviri emadhora, izvo inoti zviri kudzosera shure mabasa ayo ekuwanira vagari zvavanotarisira.

Meya weguta iri, VaBlessing Tandi, mazuva mashoma apfuura vakavimbisa vagari kuti vanenge vachibhadhara mitero yavo nemazvo vachawanirwa bhonasi gore rinouya, asi havana kutaura kuti bhonasi iri rinenge rakamira seyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG