Accessibility links

Breaking News

Vamwe KwaMutare Votadza Kuteerera Kurudziro Yekuti Vagare Mudzimba


Covid Mutare
Covid Mutare

Vanhu vakawanda maMutare vachiri kufamba famba kunyangwe hazvo svondo rapera gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland Dr Ellen Gwaradzimba vakati vari kushushikana zvakanyanya nevanhu vasiri kuteerera kurudziro yekuti vagare mudzimba iri kupihwa nehurumende kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus.

Zvitoro zvinotengesa chikafu zvakavhura muguta uye nemimwe misika inotengesawo mirivo, madomasi nezvimwe zvakaita semichero yainge yavharwa yavhurwa vamwe vachiti zviri kuunganidza vanhu. Vamwe vanobudawo vakawanda kunotsvaga hupfu. Vamwe vagari vanoti vave kunonga svosve nemuro nekushaya zvekudya mudzimba.

Mumwe mugari wemaMutare VaWalter Bhasera avo vanoita basa rekutengesa mapuranga vanoti zvave kuvaremera kubhadhara vashandi vavo uye nekuriritita mhuri yavo nenyaya ye-lockdown.

Nyayawo yekunzi vanhu vagare mumba yave kukonzera kunetsana munyaya dzezvematongero enyika.

Guta reMutare rinoda mari inosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana yekuAmerica kuti igadzirise chipatare cheMutare Infectious Disease Hospital icho chinokwanisa kuzorapirwa vanhu vanenge vabatatwa nechirwere checoronavirus.

Mutauriri weguta reMutare VaSpren Mtiwi vatenda kuti chipatara ichi chiri kuda zvikwanisiro kuti chitange kushanda zvakanaka.

Vamwe vemabhizimisi vemudunhu iri vachitungamirwa neConfederation of Zimbabwe Industries vakaunganidza mari inosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu yemuZimbabwe yekubatsira kutanga kugadzirisa chiptarara ichi. Vanhu vanowanzobuda mudzimba zvakanyanya kuti vaende kunotsvaga zvekudya zvakaita sehupfu.

Vamwe ndivo vari kuti havanawo kana mari yekutenga chikafu zvakapa kuti hurumende iti yave kuparura hurongwa hwekubatsira vanhu kuburikidza nebazi rezvemari. Asi nyaya yekuti zvekudya izvi zvichagoverwa sei yatotanga kukonzera kukandirana makobvu nematate pakati pemapato ezvematongerwo enyika.

Mumwe mugari wemaMutare VaPeter Makonese vanoti nekuda kwerusaruro pakunyoresa mazita evanhu vanokodzera kuwana batsiro vemasangano ari kupa rubatsiro urwu vanofanira kugovera vega.

Mumwe kanzura weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa VaCrispen Dube vanoti vave kunyoresa nhengo dzebato ravo mazita sezvo dziri kusiiwa neveZanu-PF.

VaDube vanoti hurongwa hwehurumende uhu hwakanaka asi kungoti chete paita huori.

Asi munyori mukuru mubato reZanu PF mudunhu reManicaland VaKenneth Saruchera varamba mashoko ari kutaurwa aya vachiti kunyorwa kwenhengo dzebato ravo hakuneyi nerubatsiro rwakatarisirwa uhu.

VaSaruchera vachitaura vari parunhare vanoti vatsigiri vebato ravo vari kutorwa mazita avo kuitira kugadzirira sarudzo dzemuna 2023 chete, pamwechete nekuti vazive hutungamiriri hwebato kubva pasi kusvika kumusoro.

Dunhu reManicaland kusvika parizvino harina haro kana munhu mumwe chete ati abatwa nechirwere checoronavirus ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG