Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Okurudzira Vanhu Kuti Vagare Kumba kwaMutare Asi Vamwe Vachiti Havana Chekubata


Muguta reMutare mange munyerere muine vanhu vashoma vange vachitenga zvokudya muzuva rekutanga remazuva makumi maviri nerimwe akatarwa nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vanhu vagare mudzimba mukuedza kudererdza kupararira kwechirwere cheCOVID-19.

Mabhanga ange akavharwa zvimwechete nemisika inotengeserwa mbatya, zvirimwa, michero nezvimwe. Asi vanotengesa zvinhu vashoma shoma ndivo vange vari pamisika iyi.

Mapurisa ange achitenderera achipa yambiro kuvashoma vevanhu vange vari muguta av kuti vadzokere kudzimba kwavo kuita kuderedza kuparira kwechirwere checoronavirus. Vange vachiti vanhu havafanire kuda kuita zvekudzingwa nechisimba.

Danho rakatorwa iri riri kurwadza vanoita mabasa avo emaoko avo vanoti zviri kuvakanganisa zvakanyanya sezvo vachiwana chouviri kubva mukutengesa uko vanonzi varegere kwemasvondo matatu anotevera. Amai Tanaka Musabayana vanoita basa rekutengesa pamusika zvinhu zvinosanganisira murivo, madomasi, michero nezvimwewo vanoti dai hurumende yakavatendera nguva pfupi pazuva yekubvumirwa kuita Mabasa.

Mumwe mugari wemaMutare VaFungai Kashiri vanoti hurumende yaifanira kurerutsira vasina mabasa nekuvapa chikafu.

Amai Elizabeth Karirwi vemumusha weMusha-Mukadzi maMutare vanoti kutadziswa kuita mabasa avo panguva yakatarwa iyi zvichaunza nhamo mudzimba zhinji.

Mumwe mugari wemaMutare vaAndrew Jangano vanoti panguva yavanenge vari kumba sezvakataurwa nehurumende zvichapa kuti vatadze kushandira mari yezvekudya zvemhuri yavo uye nemari yechikoro yevana pakotoro inotevera.

Mutauriri wekanzuru yeguta reMutare VaSpren Mtiwi vanoti kanzuru yavo yakatobatana nechisungo chehurumende kunyangwe hazvo vakange vatotanga kumisa kutengeswa kwezvinhu mumisika muguta nekunogara vanhu nemusi weChishanu masikati svondo rapera.

VaMtiwi vanoti kusvika muguta reMutare kusvika pari zvino hamuna humbowo hwavepo hunotaridza kuti pane ati abatwa nechirwre cheCOVID-19.

Mumisha inogara veruzhinji yakaita seSakubva, Chikanga, Dangamvura, Hobhouse nzvimbo dzokufarira dzange dzakavhurwa vamwe vashoma vachitandara zvavo.

Mumigwagwa yakawanda mange muine mapurisa uye vamwe vange vari paMutare Teachers’ College vange vachimisa motokari vachibvunza zvakasiyana siyana kune vatyairi. Asi mabhazi ehurumende chete eZUPCO ndiwo ange achitakura vanhu kupinda nekubuda muguta.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG