Accessibility links

Breaking News

Vagari vekwaMutare Vonyunyuta neKushaya Mvura muPombi Dzavo kweNguva Ndefu


Vagari vemaMutare vanoti havasi kuwaniswa mvura yakachena nekanzuru yavo, izvo zvoita kuti vatyire kupararira kwezvirwere sezvo vave kushandisa mvura isina kuchena.
Vagari vemaMutare vanoti havasi kuwaniswa mvura yakachena nekanzuru yavo, izvo zvoita kuti vatyire kupararira kwezvirwere sezvo vave kushandisa mvura isina kuchena.

Vamwe vagari vemuguta reMutare vari kunyunyuta nekushayikwa kwemvura yekushandisa mudzimba kwenguva yareba, vachiti vakuru veguta iri vari kuisa hupenyu hwavo munjodzi yezvirwere zvinotapuriranwa zvinokonzerwa nekushayikwa kwemvura.

Mumwe wevagari ava, Ambuya Lisa Dhindayi vemumusha weHobhouse maMutare vanoti vari kunetsekana nekushayikwa kwemvura kunyangwe hazvo vachiona nzvimbo zhinji dziri kurasika mvura yakachena mumusha uyu nekumwe; asi vasina chavari kuona chiri kuitwa nekanzuru kugadzirisa pombi dzakatsemuka idzi. Ambuya ava vanoti mhuri yavo yave kuchera mvura muzvinyuka izvo vanoti hazvina hutano.

“Chiri kutirwadza inyaya yekuti kanzuru haisi kubhadhara vashandi vayo zvakanaka, saka ndinofunga kuti ndosaka vasiri kuuya kumisha inogara veruzhinji kuzogadzirisa pombi idzi. Imwe inyaya yehuwori mukanzuru umu saka vashandi ava vanoda kubhadharwa nevagari kuti vagadziriswe nyaya yemvura iyi.”

Mumwe mugari wemaMutare Amai Diana Derembwe vanoti vava nemazuva awandisa vachinochera mvura mutsime, kana nenzvimbo dziri kuvhinza mvura kuitira kuti vakwanise kushandisa mudzimba, kunyanya muzvimbuzi zvemukati memba zvinoshandisa mvura. Amai ava vanoti dai kanzuru yaivawanirawo mabhauza emvura kuti vagari vabatsirikane.

“Tinotarisira kuti dai vekanzuru vakatiuyisira mvura mumisha yedu kana tatarisana nedambudziko rakadayi iro ratora masvondo awanda. Ikozvino tiri kutotyira huenyu hwedu kunyanya panguva ino yeCovid 19.”

Amai Makomborero Sithole mumwe mugari wemaMutare vari kuchemawo nekusawanirwa mvura nekanzuru uye pasina chiri kuitwa kuedza kupedza dambudziko iri.

“Izvezvi vamwe tave nemazuva maviri tisina mvura saka tave kungoti patawana tumvura mungave muzvidhonga tochera, vanhu vachinunga vakawanda izvo zvokanda hutano hwedu munjodzi. Tiri kungoti kanzuru yedu ngaitigadzirisirewo izvi tisati tatapurirana zvirwere, nemuzvitsime matiri kungochera mvura iyoyi tanzwa taneta.”

Asi mutauriri weguta reMutare VaSpren Mtiwi vanoti kanzuru yavo iri kuita nepainogona napo kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemvura nekugadzirisa pombi dziri kurasa mvura munzvimbo dzakasiyana siyana muguta nekunogara veruzhinji.

“Kanzuru iri kugadzirisa nyaya yemvura iyi munzvimbo dzose dzakatarisana nedambudziko irori, asi kungoti zvimwe zvikwanisiro zvinodiwa pakuita mabasa aya hazvisi kuwanikwa muno. Mabhawuza emvura achange achishanyira misha inogara veruzhinji kuti vawane mvura yakachena pedyo navo pasina kuvapinza munjodzi yekushandisa mvura isina kuchena.”

Nzvimbo dzinoti Dangamvura, Hobhouse, Fern Valley, Gimboki, Chikanga, Federation, neNyakamete dzave nemasvondo akati kuti dzisina mvura, pamwe pacho ichiuya pakati pehusiku vanhu varara.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa murimwe remasangano anomirira vagari veguta reMutare, ReUnited Mutare Residents and Ratepayers’ Trust, UMRRT, VaEdson Dube vanoti kuita kwekanzuru, kunyanya panguva ino yedenda reCOVID-19, kuisa hutano hwevagari panyanga dzaMushore.

Vanoti nekuda kwekushayikwa kwemvura vagari vanenge vongoungana munzvimbo dzekuchera mvura izvo zvinovaisa munjodzi yekutapurirana chirwere ichi.

VaDube vanotiwo zvakare kushaikwa kwemvura kunogona kuita kuti vanhu vabate zvimwe zvirwere zvinofambidzana nekusavapo kwehutsanana hwakawana zvakaita semanyoka, cholera nezvimwewo.

Masvondo apfuura kanzuru yeguta reMutare yakatenga pombi itsva kubva kuSouth Africa senzira yekuwedzeredza kufambiswa kwemvura kumisha yeDangamvura neFern Valley dzinoenderana nehuwandu hwevanhu vave muguta.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG