Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanhu Vonetsekana neKuwana Magwaro Akakosha kuManicaland


Gwaro rekufambisa reZimbabwe
Gwaro rekufambisa reZimbabwe

Mamwe madzimai anoti mapiritsi ekuronga mhuri avari kunwa ari kuvakonzeresa kutevera kwenguva yakareba inosvika masvondo matatu izvo zvave kuita kuti vatizwe nevarume.

Izvi zvakabuda kumucheto kwechirongwa chekuongorora madzimai gomarara remuromo wechibereko kuMhangura mukupera kwesvondo. Mamwe madzimai akaudza bazi rezvehutano kuti ave kutya kunwa mapiritsi ekuronga mhuri.

Amai Jaquline Rwafa avo vanobva kuMakonde vanoti mapiritsi ekuronga mhuri ari kuvateveresa kwenguva yakareba izvo zvave kuvarwarisa nekuti varikubuda ropa rakawandisa.

Vanoti kutevera kwenguva yakarebesa kunogona kupa kuti murume wavo atsvage mamwe madzimai. Amai Mavis Guzuzu vanoti kunyange vakachinja mapiritsi, vari kuramba vachitevera kwenguva yakareba.

Mukuru anoona nezvehutano hwemhuri mubazi rezvehutano Dr Benard Madzima vanoti mapiritsi ose kana mishonga ine zvainokonzeresa mumuviri wemunhu vachiti hazvishamise kuti mudzimai anotevera kwenguva yakareba sezvo anenge arambwa nemapiritsi kana mushonga.

Dr Madzima vakakurudzira madzimai kuti vadzokere kukiriniki kana kuchipatara kwavanenge vakapihwa mapiritsi kuti vapihwa imwe mhando yemapiritsi.

Mukoti mukuru kuMhangura Amai Semetie Munikwa vanoti kana mudzimai akatevera kwenguva inosvika mazuva manomwe amwa mapiritsi ekuronga mhuri anofanirwa kuenda kuchipatara kunovhenekkwa pachena.

Imwe nyaya yakabuda yanga iri yekushaikwa kwemapiritsi ekuronga mhuri izvo zviri kukonzera kuti mamwe madzimai emudunhu reMashonaland West atenge mapiritsi ekuronga mhuri kuZambia.

VaMadzima vabvuma kuti munyika mune dambudziko rekushaikwa kwemapiritsi ekuronga mhuri asi vanoti izvi zvinokonzerwa nekusaendeswa kwemapiritsi kumakiriniki nenguva.

Ongororo yakaitwa neStudio 7 mwedzi mishoma yapfuura inoratidza kuti mamwe madzimai ari kunotengesa mapiritsi ekuronga mhuri kuSouth Africa nekuBotswana.

Pakiti remapiritsi anombopihwa pachena inotengeswa nemaRanzi zana nemakumi mashanu.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG