Accessibility links

Breaking News

ZACC Yovimbisa Kuvhura Mamwe Mahofisi Matatu Kuitira Kurerutsa Mabasa Ayo


Zimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, inoti ichavhura mamwe mahofisi kwaMutare, kuMarondera nekuMasvingo.
Zimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, inoti ichavhura mamwe mahofisi kwaMutare, kuMarondera nekuMasvingo.

Komisheni inorwisana nehuwori munyika, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, inoti iri kutarisira kunge yave nemahofisi anoshanda mumatunhu matanhatu emunyika mukupera kwegore rino senzira yekuedza kurerutsa mashandiro ayo.

Mashoko aya, ayo ataurwa nemumwe wemakomishina uye vari mutauriri weZACC, VaJohn Makamure, anotevera nyunyuto yabuda muvanhu vanga vari pamusangano waitwa maMutare wekuzeya mashandiro akanaka ekomisheni iyi, kana kuti Draft National Anti-Corruption Strategy.

VaTakashinga Mashayahanya mumwe wevagari vemaMutare vange vari pamusangano uyu.

VaMashayahanya vanoti sangano reZACC rinosungirwa kuwanzira mimwe yemisangano yaro kumaruwa kune vanhu vakawanda uye nekune mamwe maguta, kwete kungorambira vari kuguta guru reHarare.

"Tinoziva kuti ZACC iri kuedza kuita basa rakanaka asi inofanirwa kuonekwa kuti yambosungawo vamwe vanhu vachipika here kwete kungoti kune ZACC pasina asungwa. Tinoda kuti ZACC iwonekwe kwese kumisha, kumaruwa ichiita basa kuti vanambuya nevana vechikoro vazive nezvebasa rayo, kwete kuwandira mumaguta makuru chete."

Mumwe wevanga vari pamusangano, VaFarai Matebvu vanoti ZACC iri kuita basa rayo zvakanaka, asi kuti vanovimba kuti kumhan’arwa nekuferefetwa kwedzimhosva kuitwe kwaaawanda, kwete mumaguta makuru chete.

"Kumaruwa kunosungirwa kunge kuchisvikwawo nekuti kune nyaya dzehuwori dziri kuitwa ikoko vanhu vasingazivi kwekuenda, saka misangano yekuzivisa vagari zvekuita panenge paitwa huwori ikodzero yemunhu wose kuti ange aine zivo. Misangano yavo veZACC ngaiparadzirwe kwakawanda munyika yose."

Asi VaMakamure vanoti itarisiro yavo kuti panopera gore rino ZACC inge yave nemamwe mahofisi mumatunhu anoti Mutare, Masvingo uye Marondera kuwedzera pane mamwe ari MUHarare, Bulawayo nekuGweru.

"Tinofanirwa kunge tavhura ma-offices edu kumaprovinces ose emuZimbabwe, gore rino tinovhura anokwanisa kuita six, asi izvezvi tine three aripo, Harare, Gweru neBulawayo, saka ZACC inenge yave mamwe maregions six muZimbabwe kuti vanhu vakwanise kuzouya kurepota nyaya dzehuwolri, kana corruption nekunzwa mamwe maprogram edu atinoita ane chekuita necorruption," VaMakamure vanodaro.

VaMakamure vanoti chimwe chechiri kunonotsa kuvepo kwemahofisi aya ndechekushaikwa kwemari yakakwana uye zvishandisiro zvinosanganisira vashandi vakadzidzira mabasa sezvo vachida kubhadharwa zvakaringana nemabasa avo.

"Chatinoda kuti tiite ndechekuti mahofisi atiri kuzovhura aya munofanirwa kunge muine nayanzvi ma-officers arimo achikwanisa kupindura nekugadzirisa zvichemo zvekotapusheni; tinenge tichida kuti chinangwa chekuvhura mahofisi aya chinge chichozadzikiswa, by 2021 tinofanirwa kunge tatove kuna-districts akawanda emunyika kujti tipedze huwori."

VaMakamure vanoti komisheni yavo iri kugadzirawo zviverengwa zvevanhu vasingaone zveBraille nevamwe vanoshandisa mutauro wemaoko, kana kuti sign language.

Musangano wanhasi wapindwa nevemapoka ehurumende akasiyanasiyana uye vemapoka anoshanda akazvimirira akaita seTransparency International Zimbabwe nemamwe.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG