Accessibility links

Breaking News

Nzara Yovhiringa Vakawanda kuManicaland


Vakwanda munyika vanonzi vave kutorarama nerubatsiro rwechikafu kubva kumasangano anobatsira.
Vakwanda munyika vanonzi vave kutorarama nerubatsiro rwechikafu kubva kumasangano anobatsira.

Gore rapera, dunhu reManicaland pamwe nemamwe matunhu muMozambique neMalawi, akawirwa nedambudziko redutumupengo nemafashamu emvura kana kuti Cyclone Idai.

Path of Cyclone Idai
Path of Cyclone Idai

Dutumupengo iri rakauraya mazana evanhu uye vamwe vakayeredzwa nemvura kana kufushirwa nematombo zvekuti nanhasi mitumbi yavo haina kuwanikwa.

Vamwe vakakuvara, vamwe vakaparadzira dzimba, zvipfuyo uye zvirimwa.

Nzvimbo dzakasangana nedambudziko iri kunyanya dzinoti Chipinge, Chimanimani, Buhera, Bikita, Mutare, Gutu, neChiredzi.

Cyclone Idai Placeholder
Cyclone Idai Placeholder

Ko pane chachinja here mumamiriro akaita zvinhu mudunhu iri?

Mumwe mugari akawirwa nedambudziko reCyclone Idai kwaMutsvangwa kuChimanimani, Amai Virginia Gwiza, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka uye vave kunonga svosve nemuromo.

Mumwe mudzimai wekuChimanimani, Amai Lilian Mugano, avo vanorarama nekutengesa michero, vanoti pavanoenda kwaMutare kunotengesa zvinhu zvavo vanobva vatenga zvekudya nekuti kwavanogara mitengo inoramba ichingoita chamurambamhuru.

Boulders and mud left by Cyclone Idai in Zimbabwe are making it difficult for relatives to search for their relatives in Chimanimani district, March 28, 2019.
Boulders and mud left by Cyclone Idai in Zimbabwe are making it difficult for relatives to search for their relatives in Chimanimani district, March 28, 2019.

Mumwe mugari wekuChimanimani, VaEnergy Chiripasi, vanoti chikafu chiri kunetsa kuwana sezvo vasina kukohwa zvakakwana uye hazvisi nyore kuwana rubatsiro kubva kumasangano ari kugovera chikafu.

'Hurumende inoti Cyclone Idai yakakanganisa magariro emhuri dzinosvika zviuru mazana maviri nemakumi manomwe nekuparadzira dzimba mhuri dzinodarika zviuru makumi mashanu. Zvikoro zvinosvika zviuru zana nemakumi mana pamwe nemazambuko munzvimbo dzakawanda," vanodaro VaChiripasi.

Cyclone Idai
Cyclone Idai

Vachitaura pane mumwe musangano wemavhiki mashoma apfuura, Mambo Muusha vakati kunyange hazvo hurumende iri kuyedza nepainogona napo kubatsira, huwandu hwevanhu vari kuda chikafu huri kuramba huchiwedzera zuva nezuva.

Vamwe vanhu vakaparadzirwa dzimba vachiri kugara mumatende sezvo hurumende yange ichitsvaga pekuti vaende kunogara.

Mutevedzeri wegurukota rezvematunhu, Amai Marian Chombo, vanoti hurumende yakawira vanhu ava nzvimbo yekugara.

Nzara yegore rino yatekesherawo muguta reMutare sematauriro emumwe kanzura weMDC, VaSimon Mapuvire.

"Munhu wese anofanirwa kubatsirwa kungava kuruzevha kungava ku-town, nekuti kuma locations ese uku hakuna anoenda kubasa, kune vakachembera saka central government inosungirwa kubatsira vanhu nechekudya psina kuti wabvepi nekuti nzara haina shasha, dumbu riri pamberi," vadaro VaMapuvire

Mumwe mugari wemaMutare, Amai Lina Rusinga, avo vanoita basa rekutengesa zvakasiyana siyana, vanoti vakaomerwa nehupenyu sezvo zvekudya zviri kunetsa kuwana nekuda kwemitengo.

Amai Patience Chingwena, avo vanogara maMutare vachiitawo zvekutengesa air time, vanoti vave kutonamatira kuti mvura irambe ichinaya kuti vawane chekubata.

"Nzara iriko zvedi izvezvi tiri kutotambudzika nekushaya zvekuita, upfu hwacho hakuna kana hwauya hunenge hwakawandirwa. Hunowanikwa hunenge huchidhura saka totonamata kuti dai kukanaya tiwane zvemumunda tingapone," vadaro Amai Chingwena.

Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, Doctor Ellen Gwaradzimba, vanoti dunhu ravo rinoda rubatsiro sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka. Manicaland iri pakati pematunhu matatu ane vana vadiki vakatarisana nenzara inotyisa zvikuru kumaruwa.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG