Accessibility links

Breaking News

VeMakereke neMabhizimisi Vobatsira Vakaremara neVakwegura kuManicaland


Vamwe vemasangano emachechi nevemabhizimisi muManicaland nemusi weSvondo vakarerutsira vanhu vakwegura, vakaremara uye vari mumajeri nekuvapa zvekudya nezvimwe zvekushandisa apo vakawanda vatarisana nenzara inotyisa yakonzerwa nekurudziro yekuti vanhu vagare mudzimba senzira yekurwisa chirwere checoronavirus.

VaIsau Bwerinofa vekambani yeAccess to Finance pamwechete neFeed a Million vanoti vakasendeka mari ine chitsama yekuti vabatsire vanotambura kumativi mana enyika zvikuru vakwegura nevakarema kunyanya panguva ino yelockdown; vachiti vakabatsira vamwe kuVictoria Falls, Masvingo, Bulawayo, neEpworth.

Vakweguru nevakaremara vakawana hupfu, mafuta ekubikisa, bhinzi, furawu, tsvigiri, sipo, munyu, mupunga, zvekushandisa pakutevera kwemadzimai, mahewu nezvimwewo. VaTendai Mazuru mumwe wevakawana rubatsikro rwechikafu.

Mumwe mugari wemumusha weSakubva kwaMutare VaPanganai Chitiyo vanoti vanofara nerubatsiro rwauya panguva ino vazhinji vavo vevakaremara vari kutadza kunopemha muguta nekuda nekuda kwelockdown.

Mukuru wesangano reCaritas iro rinoshanda rakazvimirira roga asi riri pasi pechechi yeRoma VaNhamoinesu Hondoyemoto vanoti vakasarudza vanhu vanokodzera kuwana rubatsiro vachidyidzana nevakuru vemamwe machechi akasiyana-siyana.

Mumwewo mukuru weimwe chechi yeJohane weChishanu weAfrica nesangano rake reRuvheneko rweNyenyedzi Trust, VaAndby Mukururu vabatsira vasungwa veMutare Prison Farm uye Mutare Remand Prison nekubvisira vamwe vavo mari yechibatiso yekuti vagone kutongwa vachibva kudzimba dzavo uye nekupa vari kupika mujeri chikafu.

Bishop wechechi yeRoma mudunhu reManicaland VaPaul Horan vakatenda nerubatsiro rwakapihwa vanhu vakakurudzira vemakambani mamwe kuti vabatane nevamwe uye hurumende kuderedza dambudziko rekushaya chekudya panguva ino vanhu vari kunzi vagare mudzimba.

Bishop Horan vakakurudzira vanhu pasi rose kuti vanamate kuti denda reCOVID-19 ripere.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG