Accessibility links

Breaking News

Gore Rapera Kubva Zvawirwa Vanhu neDambudziko reDutumupengo reCyclone Idai Asi Vanhu Vachiri Kugara muMatende


Kwapera gore kubva zvakawirwa vanhu vekuManicaland neMasvingo nedambudziko redutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti Cyclone Idai.

Asi zvinhu munzvimbo idzi hazvina kumira zvakanaka uye vanhu vakawanda havana pekugara uye mazambuko akawanda haana kugadzirwa.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International rinoti muzimbabwe, malawi nemozambique makawirwa nedambudziko iri mari yekubatsira yakaita shoma zvikuru.

Mumwe mugari wemunharaunda iyi, Amai Learnmore Ndarera vanoti mazambuko enharaunda iyi anoda kuti agadzirwe nechimbi chimbi.

Mugari wekwaHlabiso, Amai Hilda Hlabiso vanoti kunonetsa nzvimbo yavo ichiri kunetsa kuti isvikike.

Mumwe mugari wekuChimanimanu VaPanganai Murime vanotiwo vagari veChimanimani vanotarisira kuti rubatsiro rwusvike kwavari rushandiswe nemazvo kuitira kupedza nzara muvazhinji.

Mumwe mugari wepaSkyline Amai Joyce Zihwi vanoti vakashayikirwa nevatezvara vavo panguva yeCyclone Idai vakasara vaparadzirwa musha asi kusvika parizvino havasati vavakirwa pekugara. Vanoti tarisiro yavo ndeyekuti vatsvagirwe pamwe pekugara pakanaka.

Amai Tsitsi Mungana vepaMuusha pedyo nekwaBiriiri vanoti nyaya yechikafu imwe yezvimwe zviri kuvanetsa sezvo muminda mavo musina chirimo.

Ambuya Caroline Mhlanga vanotiwo vakafirwa nemurume zvikavasiya vari parumananzombe nekuti havachina musha mushure mekunge waparadzwa nemafashamo.

Vagari vekuChimanimani vanotengesa zvinhu zvakaita semabanana, matomati nezvimwe zvirimwa kuti vawane kurarama. Asi izvi zvave kunetsa kubva zvakaparadzwa nzvimbo iyi nedutumupengo remhepo nemafashamu emvura reCyclone Idai gore rapera.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG