Apo gore rino ra2019 rosvika kwamvura yacheka makumbo, veruzhinji munyika zvikuru kuno kudunhu reManicaland, vari kuchema nenyaya yekuomerwa nehupenyu zvichikonzerwa kunyanya nekudhura kwezvinhu zvkawanda pamwechete nekushayikwa kwezvimwe.
Vamwe vanoti hapana chichashanduka mugore ra2020 iro ratinopinda nemusi weChitatu vachiti hurumende yeZanu PF ichitungamirirwa naVaEmmerson Mnangagwa yapererwa nezano.
Amai Agnes Pondo, avo vanogara kuArda Transau kwaOdzi vachiita basa rekutengesa huni muguta reMutare vanoti gore rino ra2019 range ringori remarwadzo oga oga, uye hapana chitsva chakanaka chavanotarisira mugore ra2020.
"Gore rino rose hapana chakambotirerukira kana! Izvezvi tiri kubhadhara mari dze fees dzinoita $50, inobvepi? Saka hapana chatinoona chichabuda apa. Tarisa uone, ini zera rangu kutakura huni kuzotengesa zvinoitawo here izvozvo? Vana seven ndinovasimudzawo here nehuni? Ndokuti kuoma kwezvinhu!"
Amai Lucy Nyika vekwaOdzi kwakare vanoti vakatarisana nenhamo nematambudziko akwanda mugore rino ropera pasina zvakare chiedza mberi cheramangwana rakanaka; kunze kwekuti vawanirwa mabasa emaoko ekuita nehurumende.
"Zvatiri mazviri izvi kushupika chete nekuti tine vana vanoda ma school fees, vanoda kudya. hatina kana chekubata! Saka kana tikanzi tiregere kutengesa huni sezviri kuitwa izvi tinenge tava ku applya kuita chihure, saka zvingaitawo here? Tiri kutarisira kuti tikawanirwawo ma projects kuita sekuchengeta huku, kurima, asi hakuna mvura pari zvino."
VaElisha Musabayana vanoita basa rekuenda kunze kwenyika vachitenga nekuzotengesa zvinhu zvakasiyana siyana. VaMusabayana vanochemawo nenyaya yekukwira kwezvinhu munyika.
"2019 range riri gore rakaomera munhu wese kwazvo riine matambudziko ekukwira kwezvinhu, tsaona mumigwagwa, ma fees kukwira futi. Saka tiri kuti dai mapato eZanu PF neMDC Alliance vabatana, kwete tumwe tumapato turipo. Zvikadaro ndinoona kunge economy yedu ingaite zviri nane."
VaShame Togara vanoita basa rekugera bvudzi maMutare. VaTogara vanoti igaroziva kumunhu wose kuti zvinhu zvange zvisina kumira zvakanaka panyaya dzezvehupfumi.
Muzvare Virginia Sibanda ndemumwe mugari wemaMutare vachiita basa rekusona nekutengesa mbatya kunyanya mayunifomu emhando yose. Muzvare Sibanda vanoti zvakavaomera zvekuti vava nepfungwa yekuvhara bhizinesi ravo sezvo risina chiedza mberi kwaro.
"Gore ra2019 igore range rakaoma rairwadza zvisingaiti! Saka ra2020 tiri kutoona kuti richange riri worse. Zvinhu zviri kungokwira, semachira atinoshandisa mukusona mayunifomu. Saka muna2020 pamwe tingatozvisiya nekuti pamwe tinenge tave kutotadza kuzvibatanidza!"
VaBatu Ngirande mugari wemaMutare vanoti vana venguva ino vakaberekerwa nhamo sezvo vabereki vavo vasina chekubata uye pasina tariro yeramangwana.
VaChengetai Chamisa avo vanoita basa rekutengesa zvinwiwa vanotiwo nhamo yegore rino yawedzerwa nemvura isiri kunaya zvakaringana mudzimwe nzvimbo munyika.
Amai Anesu Musabayana avo vanotengesa zvirimwa, vanoti gore rino hapana change chakavanakira sezvo zvekutengesa zvavo zvaipera kuwora nekushaya vanotenga, sezvo vashoma varivo chete vane mari, ukuwo imwe mari yesirivha yave kurambwa kugamuchirwa nevakawanda.
Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu Pf kuManicaland vaKenneth Saruchera vanoti vanhu ngavasamhanyire kushora hurumende gore rino range riri rekuronga hwaro hwekuvaka nyika ra2020 ririrekuzovaka mudhuri unoonekwa pundutso neruzhinji.
"Zvinhu kana zvichigadziriswa sekuvaka imba munotangira pa foundation, saka gore rino tange tiri pa foundation, nekugadzirisa politics. Saka gore rinouya tinenge togadzirisa uye kuvaka mudhuri izvo muchaona mose tovaka nyika."
Imwe nhengo yeZanu PF VaTrevor Nhachi vanove mudzidzi paMutare Polytechnic, vanoti kunyange hazvo gore ra2019 range rakaomara, hurumende yebato ravo iri kuedza nepainogona napo kuvandudza hupfumi nemagariro evanhu kubudikidza nezvirongwa zvakasiyana siyana, zvinosanganisira kuwanira vanhu pekugara pakanaka.
VaNhachi vanoti kuno kwaMutare kwakaparurwa hurongwa hweUrban Renewal, uhwo huchapa kuti vagary, kunyanya vemumusha mukuru weSakubva, vagariswe pakakodzera sezvo misha yavo yave yemakore agochanhembe, uye vamwe vechidiki vachiwanirwa zvekuita zvemabasa emaoko.
Meya weguta reMutare VaBlessing Tandi vachitaura neStudio 7 parunhare vati vanotarisira kuti hurumende ikazadzikisa zviri mubumbiro renyika zvekudzosera masimba kumatunhu kana kuti devolution zvingabatsira kufambiswa zvakanaka kwemaguta nematunhu.
VaTandi vanoti izvi zvinobatsira pakuti matanho ekusunga wirirano haazotori nguva refu sezviripo pari zvino.
Vanoti matambudziko ekushayikwa kwemvura kudzimwe nzvimbo muguta reMutare achange apera mukutanga kwemwedzi mina yegore rinouya.
Facebook Forum