Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakwegura Voyaura neNzara KwaMutare


Chamisa Mealie Meal donations
Chamisa Mealie Meal donations

Mamwe masangano anochengeta vakwegura, nherera uye vana vakaremara anoti ari panyanga dzamushore nekuda kwekuenderera kwenyaya yekuti vanhu vagare vari mudzimba dzavo mukuedza kudzivirirra kuparirira uye kutapurirana kwechirwere cheCOVID 19.

Masangano aya nguva zhinji anopona kuwanira vagari vavo zvekudya uye zvekupfeka kubva kune vane tsiyenyoro avo vari kunzi bvagare kudzimba panguva ino yechirwere.

Musha weZororai Old People’s Home uri pasi peRoman Catholic unonochengeta vakweguru vanosvika makumi mana muSakubva ndemumwe wasangana nematambudziko sezvo uri kutatarika kuwana zvekudya nezvekupfeka.

Mukuru wepamusha uyu VaGondai Gondo vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

kuti vakatarisana nedambudziko rekuwanira vavanochengeta zvekudya. Va-Gondo vanoti musha wavo uyu unosibatsirwa zvakanyanya nevana vezvikoro zvemudunhu reManicaland nevamwe vekunze asi panguva ino hapana chavari kuwana nekuda kwe-lockdown.

VaGondo vanoti musha uyu unemabasa ekuchengeta huku dzokudya kana kutengesa uye kurima mubindu asi vakatarisana nedambudziko rekudhura kwoita chikafu chehuku uye kushomeka kwemvura yemadiridzo.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nemukuru webazi rezvemagariro evanhu mudunhu reManicaland VaPeter Machisa sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mudzviti weManicaland VaEdgar Seenza vanoti hurumende iri kubatsira masangano akaita seiwayo panguva ino nezvakasiyana-siyana kusanganisira mari.

Zvichakadai, kanzura wenharaunda iyi yeWard One kuSakubva, VaThomas Nyamupanedengu vanoti vakwegura ava vanotarisira kubtasirwa nehurumende kunyanya panguva ino.

Kanzura ava vatiwo hurumende inofanira kuvakira vanhu dzimba kuti vasagare vakawandisa vozoguma votapurirana chirwere checoronavirus nekupinza vakwegura vacho munjodzi.

VaNyamupanedengu vanoti hurumende inofanirwa kuchimbidza kugadzirisa hugaro hwakanaka hwevanhu mumusha uyu pasi pechirongwa chekuvandudza maguta icho chakaparurwa nemutungamiriri wenyika vaEmmerson Mnangagwa maMutare mukutanga kwegore rino.

Kusvika pari zvino dunhu reManicaland rine vanhu vapfumbamwe vanechirwere che-COVID 19 vanova vanhu vakadzokera munyika vachibva kuMozambique.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG