Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzonyunyuta neKupindira kweHutungamiri muSarudzo dzeBato


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai

Nhengo dzeMDC mudunhu reManicaland neMugovera dzakaratidza kusafara zvikuru nemafambisirwo anoitwa sarudzo dzemubato iri dzichiti pane kupindira kwakanyanya kuri kuitwa nehutungamiri hwebato iri izvo zviri kusvibisa moyo vakawanda.

Mutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, vakaudzwa chokwadi nevatsigiri vebato ravo kuti veruzhinji havasi kufara nekupindira kuri kuita hutungamiri hwebato pakasarudzwa kwevanhu vanofanirwa kuvamirira mumatunhu avagere,

Mumwe wevataura pamusangano uyu, VaEphraim Matapi vekuMakoni, vakati nhengo dzebato dzinovamirira musarudzo hadzisi kubva muvanhu, asi kuti ndinogadzwa nehutungamiriri izvo zvinoodza moyo vamwe vatsigiri vebato.

“Chichemo chatinacho ndechekuti vatungamiriri vakaita nemaMP vamwe vacho havabvi muvanhu vanobva kuvakuru zvinoita kuti tisakunde musarudzo, ukuwo vamwe vakaita basa musarudzo sema-polling agents havana kubhadharwa kubva sarudza dzapera kusvika izvezvi. Party regalia inodiwa kuti party ive visible kwatinobva saka tinoda kuti leadership itionere apa zvigadziriswe kana ichitengeswa itengeswe.”

Imwe nhengo yakabva kuMakoni Central yakataura pamusangano uyu, Amai Susan Muringo, vakatiwo vamwe vamiriri vavo vanoti vakavhoterwa musarudzo, havadzoki kunzvimbo dzavanomirira, uye vachiita zvemumusoro mavo pasina kunzwa zvido zvevanhu vemunzvimbo yavanomirira.

“Tinokumbira kuti vanenge vasarudzwa vapote vachiuya kunzvimbo dzavakasarudzwa vachitaura nesu kuti vanzwe zvichemo zvedu asi vamwe vangohwina hatichazivi kuvaona, dai zvikagadziriswa.”

Vachipindura kuzvichemo zvakaburitswa nevatsigiri vebato ravo, VaChamisa vakavimbisa kuti bato ravo richatevedzera zvido zvevanhu vemunharaunda pasina kupindira kwehutungamiri hwebato. VaChamisa vakatiwo zvekupindira kwehutungamiri musarudzo hazvichafi zvakaitwa zvakare.

“Tiri kuita problem yekuti separy maMPs edu vamwe havagari muvanhu vanobva kumwe asi haisi mhosva hayo asi hutungamiriri uhu zviri kunzi nevanhu vahwina havachawoneki, tavakuti iyezvino hapana achabva kwaanobva ouya achida kumirira vanhu asina kubva kumastructures akaita semabracnches, tinoda vatungamiriri vanobva kuvanhu hapachina futi imposition, vanohwinisa party.”

VaChamisa vakavimbisawo kuti vose vakasarudzwa vakatadza kuita basa ravakasarudzirwa, bato ravo richavatorera matanho akasimba zvikuru, vanhu ivavo vachibviswa, kopinda vanhu vanogona kuita basa ravakasarudzirwa.

“Tine dambudziko rekuti vamwe vanouya kumusangano vachiti vari kuzopinda basa, aiwa kuno hakusi kwekutsvaga basa asi kushandira nyika, saka vane pfungwa iyi tinoti ngwarirai nekuti nguva yavepedyo.”

Kunyunyuta kwevanhu uku kunoitika zvichitevera mutauro wakabuda gore rapera apo hutungamiri hwaishorwa kuti rwaipindira mukusarudzwa kuvanhu izvo zvakapa kuti MDC ikundwe musarudzo dzenhengo dzeparamende sezvo vamwe vatsigiri vebato iri vakaramwa sarudzo idzi mushure mekunge vamanikidzirwa kutambira vamiriri vainge vasina kuvhoterwa neveruzhinji.

Musangano uyu wakapindwa nehutungamiriri hweMDC hunosanganisira, vatevedzeri vaVaChamisa, VaTendai Biti naAmai Lynnette Karenyi Kore, pamwe nemutevedzeri wasachigaro webato, VaJob Sikhala, vamiriri veparamende, makanzura nevamwe.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG