Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vobatsirwa neMishina Inochera Goridhe kuManicaland


Henrietta Rushwaya

Sangano revacheri vezviwanikwa zvakakosha, reZimbabwe Miners’ Federation, ZMF, rakabatsira vakaremara mudunhu reManicaland nemuchina unoshandiswa pakuchera goridhe.

Vachitaura pakutambidzwa kwemuchina uyu nezuro, sachigaro wesangano reZimbabwe Miners Federeation kudunhu reManicaland, VaLameck Mushayamhara, vakati vanovimba kuti muchina wakapihwa nhengo dzeManicalanda People with Disabilities in Mining uchapa kuti vasiye tsika yekupemha.

Mumiriri weZMF kudunhu reManicaland, Amai Judith Shadaya, vakatiwo vanorarama nehurema vanofanirwa kusimudzirwa sezvaitwa neZMF.

Sachigaro vesangano revanorarama nehurema mudunhu reManicaland, Va James Mutisi, vakatiwo vakafara zvikuru nezvavaitirwa neZMF

Munyori mukuru musangano revanorarama nehurema mudunhu reManicaland, Muzvare Esther Nemaramba, vakati zvavo zvavaitira zvakanaka sezvo vasichapemhi kuburikidza nemuchina wavakapihwa.

Nhengo makumi matanhatu dzakapihwa rubatsiro rwemuchina wecompressor dzichange dzichichera goridhe munzvimbo dzinoti Premier, Old Umtali, uye kuPenhalonga mudunhu reManicaland.

Rubatsiro urwu rwakapihwa kuvanhu ava pamabiko akaitirwa muDarlington Extension muguta reMutare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG