Accessibility links

Breaking News

Kubayiwa Nhomba yeCovid-19 Kunopinda Muzuva reChina Zvichinzi Chiri Kufamba Zvakanaka kuManicalnd


Mutare Covid-19 Vaccine2
Mutare Covid-19 Vaccine2

Chirongwa chekubaya nhomba yeCovid-19 chapinda muzuva rechina vari kutungamira chirongwa ichi kwaMutare vachiti hapana matambudziko avari kusangana nawo kunyange hazvo vanhu vari kuzvipira kubayiwa nhomba iyi vari vashoma.

Mumwe wevakoti vari kutungamirira chirongwa chekubaya vanhu nhomba yeCovid 19, Amai Otillia Mukuchira, vanoti hurongwa hwavo huri kufamba zvakanaka kwazvo sezvo vanhu vari kuuya nehuwandu.

Amai Mukuchira, avo vanoshanda pachipatara chikuru cheVictoria Chitepo, vanoti kubva nemusi weMuvhuro havasati vasangana nematambudziko mubasa ravari kuita.

"Kubva patakatanga hapana chatati tasangana nacho asi kungoti vanhu vari kuda kunzwisisa sezvo vari kubvunza kuti nhayi vaccine iri rakamira seyi isu tobva tatsanangurawo kuti zvamuri kunzwa pa social media hazvisiri izvo tovaudza kuti rinofamba so-so-so vanhu vobva vanzwisisa asi vanhu vari kuda kutanga vambonofunga mushure mekunge vatsanangirwa kuti zvakamira seyi," vadaro Amai Mukuchira.

Amai Mukuchira vati sezvo chirongwa ichi chakanyanya kunangana nevashandi vekubazi rezvehutano, vanhu vari kubaiwa nhomba iyi muzvipatara zvose zviri muguta uye nekunze.

"Sezvo chirongwa ichi chiri chema health workers ndivo taka-ageta tiri kuitira pano paMutare provincial hospital, paSakubva district, nekumaClinics and kwese kunoshandira vehealth ndiko kuri kuwanikwa chirongwa ichi," vadaro Amai Mukuchira.

Mumwe wevabaiwa nhomba yeCovid 19 ndi Muzvare Nyasha Ndikudze, avo vati vakatanga vachitya kudzimara vazoshinga pavakaona vamwe vavo vabachibayiwa nhomba iyi zvisina dambudziko.

"At first ndaitya kusvikira mamwe mafriends angu azobaiwa kubva zvichitanga ndobva ndazongoshingawo kubaiwa, saka I think it is wise kuti munhu abaiwe sezvo pasina kana harm uye zvichizobatsira pamberi apo," vadaro Muzvare Ndikudze.

Meya weMutare, VaBlessing Tandi, vati kanzuru yavo iri kutsigira chirongwa ichi nekupa zvivakwa zvayo kuti zvishandiswe muchirongwa ichi.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nachiremba mukuru wedunhu reManicaland, Dr Simon Nyadundu, kuti inzwe huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba mudunhu rose reManicaland.

Dunhu iri rakapihwa mishonga yeSinopharm zviuru makumi maviri nezvisere, kana kuti 28000, iyo yakatoendeswa kumatunhu madiki gumi emuManicaland.

Kunyange hazvo Amai Mukuchira vachiti vanhu vari kuuya kuzobayiwa nhomba vakawanda, bazi rezvehutano rinoti rakabaya vanhu zviuru zviviri nemakumi manomwe nevana nezuro, kana kuti 2074 munyika yose, izvo zvakasvitsa nezuro huwandu uhu pavanhu zviuru zvinomwe nemazana masere nemakumi manomwe nevaviri, kana kuti 7872.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vabaiwa kusvika pari zvino mudunhu guru rega rega, vanosvika mazana manomwe nemakumi masere, hunova huwandu hushoma pakatariswa kuti Zimbabwe ine matunhu madiki makumi matanhatu nemaviri.

Nyanzvi munyaya dzehutano uye vaimbve gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti kushomeka kwevashandi vemubazi rezvehutano vari kubayiwa nhomba iyi kunoreva kuti vanhu vakawanda havasi kuvimba nemushonga uyu.

Apo chirongwa chekubaya vanhu chiri kuenderera mberi, vanhu vasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro munyika yose, uye vamwe vanhu makumi mashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare kusanganisira vatatu vemudunhu reManicaland, iro rave nevanhu zviuru zvitatu nemazana matanhatu nemakumi masere nevapfumbamwe, 3689 vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga gore rapera.

Dunhu iri rava nevanhu zana nemakumi masere nevasere vafa neCovid-19.

Zimbabwe yave nevanhu chiuru chimwe chete nemazana mana nemakumi mashanu nevatanhatu vaurayiwa nechirwere ichi, uye vanhu vabatwa neCovid-19 munyika yose vava zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu, 35960.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG