Accessibility links

Breaking News

Amai Gwaradzimba naVaMalianga Vanoshaya Mushure Mekubatwa neCovid-19


Dr Ellen Gwaradzimba
Dr Ellen Gwaradzimba

Zimbabwe iri kuchema magamba maviri ehondo yerusununguko, anoti gurukota reManicaland, Amai Ellen Gwaradzimba, nenhengo yeZanu PF Central Committee, VaMorton Malianga, avo vashaya muHarare mushure mekubatwa nechirwere cheCovid-19.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvevechidiki netsika, VaTinoda Machakaire, vatsinhira mashoko aya pamwe chete nasachigaro weZanu PF mudunhu reManicaland, VaMike Madiro.

Vaviri ava vati Amai Gwaradzimba vashaya nechirwere cheCovid-19.

Amai Gwaradzimba vakatakurwa nechikopokopo svondo rapera varwara zvakanyanyisa vachiendeswa kuchipatara kuHarare uko vazoshayikira.

Nhengo yeZanu PF Central Committee muManicaland, uye muzvinamabhizinesi, VaIsau Mupfumi, vati sedunhu vatoisa chikumbiro kuZanu PF Politburo kuti Amai Gwaradzimba vaitwe gamba renyika.

"Sebato tinoda kuzivisa kuti tarasikirwa negamba guru Dr Amai Gwaradzimba nhasi. Saka tiri kuda kuti vakuru vavaite national hero tatsvaga transport saka tine bhazi richaenda Harare Asi tinoda vasiri kurwara kuti tibatane teyende ikoko sezvo chikumbiro ichi chichatotambirwa," vadaro VaMupfumi.

VaMadiro vatiwo vende rasiiwa naAmai Gwaradzimba richanetsa kutsiva.

Meya weguta reMutare, VaBlessing Tandi, vatiwo dhorobha reMutare rarasikirwa kwazvo nemumhu aishanda zvakasimba, uye ane rudo.

VaTandi vati chinonyanya kurwadza inyaya yekuti kushaya kwaAmai Gwaradzimba kunotevera kwemunyori weguta, VaJoshua Maligwa, nekwa Professor Munashe Furusa, mukuru weAfrica University.

"Zvinotirwadza kuti tashayikirwa naaMAI Gwaradzimba panguva iyi ttiri kuchema kushaya kwavaFurusa. Zvatinyanyira izvi saka kwatiri idzidziso zvakare kuti Covid is real saka tinosungirwa kuzvichengetedza tose," vadaro VaTandi.

Amai Gwaradzimba vakamboshanda kuUniversity of Zimbabwe nekuAfrica University vasati vaitwa gurukota reManicaland mugore ra 2018.

Hazvisati zvonyatsozivikanwa kuti Amai Gwaradzimba vachavigwa riini.

Mufi, uyo akazivisa paramende gore rapera kuti airwara nechirwere che High Blood Pressure uye chemoyo, asiyavanakomama vatatu vabve zera vanoti Remembrance, Victor naTanatswa, pamwe nevazukuru.

Murume waAmai Gwaradzimba, Va Trevor Gwaradzimba, vakashaya makore akati kuti apfuura.

Zvichakadaro, rimwe gamba rehondo yerusununguko, uye vaimbove gurukota rehurumende, VaMorton Malianga, vashayawo zvakare neCovid 19.

VaMalianga vashaya vava nemakore makumi mapfumbamwe nerimwe.

VaMalinga ndivo vakava munyori wechidiki wekutanga muZanu PF muna 1964. Gore rakatevera, VaMalianga vakasungirwa nyaya dzematongerwo enyika vakakandwa mujeri kwemakore gumi.

Pavakaburitswa mujeri, vakaenderera mberi vachiita zvematongerwo enyika. Pakawana nyika kuzvitonga muna 1980, VaMalianga vakaitwa nhengo yedare re Senate, uye vari mutevedzeri wegurukota rehurumende.

Vakashanda mumapazi akasiyana siyana muhurumende.

Pavashaya, vanga vachiri nhengo yeCentral Committee yeZanu PF.

Mufi asiya mudzimai, vanakomana vaviri nevazukuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG