Accessibility links

Breaking News

Vaive Mufundisi weUnited Methodist Church, Rev. Dr. Mawokomatanda Vanoradzikwa kuOld Mutare


Mutumbi wevaive mufundisi weUnited Methodist Church, Reverend Isaac Mawokomatanda
Mutumbi wevaive mufundisi weUnited Methodist Church, Reverend Isaac Mawokomatanda

Vaive mufundisi wekereke yeUnited Methodist Church,Reverend Dr Isaac Mapipi Mawokomatanda, avo vakashaikira kuAmerica muna Kukadzi, varadzikwa kumarinda eOld Mutare pachikoro cheUnited Methodist Church, cheHartzell mubasa ratungamirwa nemukuru weUnited Methodist Church muZimbabwe, Bishop Eben Nhiwatiwa.

Vanhu vane chitsama vanosanganisira vehukama, shamwari pamwe nevatendi, vapa huchapupu hwemabasa akanaka akaitwa naReverend Mawokomatanda vachiri mupenyu.

VaMapipi Mawokomatanda, avo vakashaya vave nemakore 81ekuberekwa, varumbidzwa nevakawanda nekuda kwemabasa avo etsiye nyoro avaiita panguva yavaiva kuno kuZimbabwe uye nepavange vave kumhiri kwemakungwa kuAmerica.

Mumwe wevataura, Reverend Ephraim Magadaire vati mushakabvu munhu aibata basa rake nemwoyo wose kubva vachiri kuno kusvikira vaenda mhiri kwemakungwa vachibatsira nherera nevanotambura izvo zvakavapa mukurumbira.

“Saka VaMawokomatanda munhu wataiita navo sangano zvakanaka, vakamboita tsaona ivo nemuzukuru wavo vakaita stress, asi havana kumira, vakaita basa kuti rifambire mberi zvakaoma kudaro. Ndivo vakatanga circuit yemu town maMutare yeInner City, vainzi ‘Handina reverse, senyoka, mbambaira haisvatudzwi’. tinoti ngavazorore murugare.”

Vamwe vevakashanda naReverend Mapipi Mawokomatanda, VaSimon Mafunda, vanove Lay Leader weZimbabwe East mukereke yeUnited Methodist, vati vende rasiiwa nemushakabvu richanetsa kuvhara.

When life was difficult uye mutunhu wekufamba wainetsa, ivo they gave more than I can give. Vaifamba asi inini ndinokwanisa kuita mission work on zoom saka zvavakaita panguva yavo zvinondinetsa kuti ndizviite kunyangwe ndiine four by four iri panze apo saka I feel challenged.”

Mumwe wevanasikana vavakarera Amai Emilia Amaria Mawokomatanda Madovi vati havakwanisi kutenda zvavakaitirwa nababa Mapipi Mawokomatanda pavakatorwa vari nherera ndokurerwa navo.

I want to say thank you to you vakatibatsira nekuchengeta kwamakaita, thank you kuma church members. Handigoni kuti ndotenda seyi kune mose asi shuviro yangu yange yekuda kuona baba vasati vashaya.”

Mwanakomana wavo mukuru, VaSamuel Mawokomatanda vatiwo kushaya kwababa vavo kwakasiya vakawanda vachiremerwa.

“Anga ari munhu waMwari ndingati pavanhu vandoziva ivo vainge vari munhu ari pamberi. Vaikurudzira rudo kumunhu wose, saka ndoti tarasikirwa.”

Mudzimai wemushakabvu Amai Ruth Mawokomatanda vati murumwe wavo munhu aifarira chinamato.

“Vaifarira kunamata, vaifarira vanhu vaisada kunyeba, asi chavaisada vaingonyarara havo vasina kunetsana nemunhu munhu aida chinamato”

Mushakabvu vakasiya vana vatanhatu nevazukuru vanopfuura makumi maviri, nevamwe vazukuru vana vevazukuru.

Nyaya ina Loirdharm Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG