Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ochema Chema neKutyorerwa Kodzero Dzavo Mudzimba nekuMabasa


Musangano wakarongwa nesangano rinorwira kodzero dzemadzimai reJust Associates kana kuti JASS kwaMutare uri kuburitsa pachena kuti madzimai akawanda munyika ari kutyorerwa kodzero dzavo mudzimba uye kumabasa.

Matambudziko ari kusangana nemadzimai aya anosanganisira kufamba mitunhu yakareba kuenda kuzvipatara kana kunochera mvura, kushaya zvekushandisa kana vachitevera vari kumajeri uye vamwe vanoita mabasa ekutengesa bonde vanoti vari kushungurudzwa nemapurisa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa asi mutauriri wavo Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti kana paine vanenge vatyorerwa kodzero dzavo vanofanira kumhan’ara kumapurisa votora matanho.

Mumwe mugari wemaMutare Muzvare Gloria Garapo vanoti kumatirongo madzimai anosangana nezvipingaidzo zvakanyanya kwazvo kunyanya pekugara pasina kudzikama zvikuru seyi vaya vanopika vaine vana vacheche.

Amai Plaxidia Mauto vekuBinga vanochema nenyaya yekufamba mitunhu mirefu inezvikara zvesangano kuenda kunochera mvura kana kunoraura kuitira kuriritira mhuri dzavo. Amai Mauto vanoti nguva zhinji madzimai nevanasikana vanenge vaine mabasa mazhinji ekuita zvinovadyira nguva yekuzvisimudzira..

Muzvare Mable Shumba avo vanoita mabasa ekutengesa bonde uye vachirarama nehutachiwana hweHIV/AIDS vanoti panguva ino yeCovid 19 vanoshungurudzwa pakufamba kwavo vachida kunotora mapiritsi uyezve nevarume vavanosangana navo.

Mumwe mugari wekuArda Transau, Amai Mary Makuvi vanoti pavakatamiswa nehurumende kubva kwaChiadzwa kumangoda vanotiwo vari kusangana nematambudziko akawanda semadzimai.

Amai Melania Chiponda vesangano reJASS vanoti musangano wavo wemazuva matatu wange wakanangana nekusimbisa ruzivo munyaya dzezvekodzero dzemadzimai nevanasikana kunyanya panguva ino yeCovid 19 neLockdown. Musangano uyu wakatanga neMuvhuro uye uri kupetwa mangwana.

Jass mubatanidzwa wemasangano ari munyika gumi nembiri anorwira kodzero dzemadzimai.

Musangano mumwechete uyu wedzidziso yekodzero dzemadzimai uri kuitwawo uchibuda padandemutande reInternet kune dzimwe nyika dzinosanganisira, Botswana, Malawi, Zambia neSouth Africa uko kwakabudawo nyaya dzekushungurudzwa kwemadzimai ari muhupoteri nezvematongerwo enyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG