Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vorodza Ruzivo Munyaya Dzinobata Zvebonde


Farai Matebvu ZUJ Manicaland
Farai Matebvu ZUJ Manicaland

Sangano re Zimbabwe National Family Planning Council, ZNFPC, rakaita musangano nemusi weChishanu nevatori venhau vanoshandira masangano enhau akasiyana siyana wekuzeya nekupana mazano pamaburitsirwo enyaya dzine chekuita nezvepabonde.

Mukuru weZNFPC mudunhu reManicaland, VaDyson Masvingise, vakati danho rakatorwa nesangano ravo rakanangana nekuti pave nechenjedzo kune veruzhinji maringe nenyaya dzepabonde kunyanya kune vechidiki vangave kumaruwa kana mumaguta.

Dyson Masvingise ZNFPC Manicaland
Dyson Masvingise ZNFPC Manicaland

VaMasvingise vakati hurongwa uhu hwakaitwa nekuda kwekuti pane kuwanda kuri kuita nyaya dzekubatwa nezvirwere zvepabonde kune vechidiki vkusanganisira vamwe vasati vabva zera,.

Vakati mudunhu reManicaland vanasikana vanopfuura zviuru zvishanu vakarega dzidzo mushure mekuita pamuviri.

Vakatiwo vakaona zvakakodzera kubatana nevatori venhau kuitira kuti vashambadze mashoko echenjedzo kuvazhinji pamusoro pematambudziko anosangana nevechidiki kana vakakurumidza kuita zvepabonde, uye kune vabve zera kuti varambe vachiita zvebonde vakazvidzivirira kuzvirwere kana kubata pamuviri.

VaMasvingise vakati kubatana kwavakaita nevatori venhau panyaya yedzidziso iyi kwakabudikidzawo nekudyidzana kwesangano ravo nePlan International, iyo inonyanyoshandira kumaruwa.

Amai Beauty Makotore vePlan International vakaudza Studio 7 kuti muongororo yavo vakaona zvakakodzera kuti pabatanwe nevatori venhau kuti vafambise shoko uye kuti vadzidzewo pamusoro pezvirwere zvepabonde nezvinofanirwa kuitwa kana paita hurwere zvemhando iyoyo.

"Tinoshanda neZNFPC panyaya yezvenhengo yesikarudzi uye kupa dzidziso kuvana vari pamakore ari pagumi kusvika pagumi nemashanu uye kupfuura. Tinopa zvakare dzidziso yekuchengetedza nhengo dzesikarudzi dzevanasikana vadzichengetedzewo kubva kune vanovambunyikidza kana kuti rape. Saka vemedia vanotibatsira pakushambadzira dzidziso iyi kuvana vari kusangana nematambudziko aya kwavanenge vari," vakadaro Amai Makotore.

Munyori mukuru musangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists, ZUJ mudunhu reManicaland, VaFarai Matebvu, vakati dzidziso yavakawana ichabatsira zvikuru vatori venhau mukuburitsa nyaya dzine ruzivo munyaya dzehutano.

Farai Matebvu ZUJ Manicaland
Farai Matebvu ZUJ Manicaland

"Ndinoona sekuti hukama hwatangwa neveZNFPC neZUJ hwakakosha nekuti ma journalists anenge onyora nehudzamu uye kunzwisisa nyaya dzavanenge vachiita, saka training iyi ichapa kuti vange vachibata nyaya nehunyanzvi kupfuura zvavaiita kare uye vachiita izvi zvichikwanisa kunzwisisika," vakadaro VaMatebvu.

Musangano uyu wakapindwa nevatori venhau vanopfuura makumi matatu vemasangano akasiyana siyana avo vakatenda kuti vadzidzawo zvinhu zvitsva maringe nenyaya dzezvehutano.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG