Madzimai akarwa hondo yerusununguko ari kunyunyuta kuti ari kubatwa neseri kweruoko nehurumende, achiti ari kunonga svosve nemuromo, makore makumi mana nematatu nyika yawana kuzvitonga. Mumwe wevakarwa hondo, Amai Margaret Dongo, vanoti mari dziri kupiwa vakarwa hondo dzinonzwisa tsitsi.
Hurukuro NaMuzvare Alice Tagwira
Madzimai anobva pasi rose vari zvizvarwa zveZimbabwe vanoti varikufara neruzivo rwavawana kubva kumisangano yezvemabhizimusi yakarongwa ne ZimTrade negungano reRed Lipstick Revolution rinotungamirwa na Pastor Abigail Mangwenzi.Marvellous Mhlanga-Nyahuye ataura nevamwe madzimai vari kuDubai.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reSamatoga muPennyslyvania vaPaul Munyuki vanoti vanotenda Mwari kuti vakakwanisa kubatsira mudzimai wavo Kudzie kuti abatsirwe nemwanasikana wavo wekutanga munzira yekuenda kuchipatara.
Mamwe madzimai anorarama nekuita zvepabonde kuKariba neChirundu anoti anosangana nedambudziko remhirizhonga uye haachawana mari yakawanda munguva ino yeCovid-19 zvichienzaniswa nenguva yekare denda iri risati ranetsa munyika.
Rodhai zvimwe