Accessibility links

Breaking News

Apo Nyika iri Kucherechedza Zuva reMagamba, Madzimai Akarwa Hondo yeRusununguko Ari Kunyunyuta Kuti Ari Kubatwa neSeri kweRuoko neHurumende


Apo Nyika iri Kucherechedza Zuva reMagamba, Madzimai Akarwa Hondo yeRusununguko Ari Kunyunyuta Kuti Ari Kubatwa neSeri kweRuoko neHurumende
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Madzimai akarwa hondo yerusununguko ari kunyunyuta kuti ari kubatwa neseri kweruoko nehurumende, achiti ari kunonga svosve nemuromo, makore makumi mana nematatu nyika yawana kuzvitonga. Mumwe wevakarwa hondo, Amai Margaret Dongo, vanoti mari dziri kupiwa vakarwa hondo dzinonzwisa tsitsi.

Mamwe madzimai akarwa hondo yerusununguko ari kunyunyuta achiti ari kubatwa neseri kweruoko nehurumende, makore makumi mana nematatu nyika yawana kuzvitonga kuzere. Izvi zviri kuuya panguva iyo nyika iri kucherechedza zuva remagamba akarwa hondo yerusununguko.

Mumwe wamadzimai aakarwa hondo yesununguko, Amai Margaret Dongo, vanoti madzimai akarwa hondo akawanda ari kutambura zvakanyanya zvekuti atove chiseko chenyika. Amai Dongo vanoti madzimai aya ari kukurudzira hurumende kuti itarisise zvakare basa raakabata muhondo, aaisewo pachikero chimwechete nevanhurumende.

‚Äč
XS
SM
MD
LG