Mamwe madzimai anorarama nekuita zvepabonde kuKariba neChirundu anoti anosangana nedambudziko remhirizhonga uye haachawana mari yakawanda munguva ino yeCovid-19 zvichienzaniswa nenguva yekare denda iri risati ranetsa munyika.
Mumwe wevakapiwa mubairo wekurwira kodzero dzevanhu, we“Women of Courage Award”, Doctor Rita Nyampinga, vanoti pane basa rakawanda rinofanirwa kuitwa mukurwira nekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu sezvo hurumende ichiedza kuwomesa mashandiro emasangano akazvimirira anobatsira vanhu munyika.
Hurumende inoti iri kushushukana zvakanyanya nekukura kuri kuita dambudziko remhirizhonga ine chekuita nevanhukadzi pamwe nevanhurume, kana kuti Gender Based Violence.
Muzvare Comfort Dondo, vanoti panguva ino yekurangarira chirongwa che 16 Days of Activism Against Gender Based Violence vachange vane zvirongwa zvizhinji zvichange zviri padandemutande zvekunzwa zvakasangana nevakamboshungurudzwa uye vari kushungurudzwa nekuvapa rubatsiro rwekuti vanga kunde seyi.
Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vagari vekuChitungwiza, Muzvare Alice Kuvheya, vawanikwa nedare vasina mhosva pamhosva yavanga vachipomerwa yekukurudzira vagari vemuChitungwiza kuita zvemhirizhonga.
Bato idzva rezvematongerwo enyika rakaparurwa svondo rino muHarare richitungamirwa nemudzimai uyo anoti shuviro yake ndeyekugadzirisa zvinhu munyika kuitira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvisatize munyika mazvo zvichinotsvaga mafuro manyoro kudzimwe nyika.
Zviri Kuitika muAfghanstan parizvino.
Mhuri yemutori wenhau weStudio7, Kudzanai Musengi, iri kuchema zvichetevera kufa kwemudzimai wake pamwe nevabereki vemudzimai wake avo vakatorwa nedenda neCovid 19.
Nyanzvi yakatungamira tsvagurudzo iyi muZimbabwe, Doctor Nyaradzo Mgodi, vaudza Studio7 kuti Dapivirine Ring ichashandiswa nevanhukadzi vasati vatapurirwa HIV senzira yekuzvidzivirira kuchirwere ichi.
Muzvinambiri munyaya dzekuburitswa kwenhau munyika, Sandra Nyaira, akaradzikwa zvine mutsindo neMugovera hama neshamwari dzichirumbidza mabasa aakaita achiri mupenyu.
Vatori venhau nemasangano enhau aratidza kusuwa kukuru zvichitevera kufa kwemuzvinambiri munyaya dzekuburitswa kwenhau, Sandra Nyaira, uyo akamboshanda neVOA Studio7 kwemakore gumi nemaviri.
Musikana anoita zvemitambo, Magdeline Moyengwa, apinda munhoroondo yekuva munhukadzi wekutanga wechitendero chemapositori kubudirira kuenda kuJapan kumakwikwi e 2020 Olympic Games.
Rodhai zvimwe