Accessibility links

Breaking News

Muzvare Kuvheya Vanowanikwa Vasina Mhosva


Alice Kuvheya Chitungwiza Residents Trust
Alice Kuvheya Chitungwiza Residents Trust

Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vekuChitungwiza, Muzvare Alice Kuvheya, vawanikwa nedare vasina mhosva pamhosva yavanga vachipomerwa yekukurudzira vagari vemuChitungwiza kuita zvemhirizhonga.

Vachitura mutongo wavo, mutongi wedare ramejasitireti remuno muChitungwiza, Amai Gladys Moyo, vati hapana humbowo hwakasvitswa kudare nehurumende hunoratidza kuti Muzvare Kuvheya vakapara mhosva yavari kupomerwa.

Amai Moyo vati mapepa ekupomera Muzvare Kuvheya mhosva anga asiri kuburitsa pachena mhosva chaiyo inonzi yakaparwa naMuzvare Kuvheya saka vati vaona zvakakodzera kuti varase nyaya iyi.

Zvaturwa nedare zvatsinhirwa nerimwe remagweta aMuzvare Kuvheya, VaFreddy Masarirevhu.

Muzvare Kuvheya vati kushungurudzika kwavakaitwa nenyaya iyi hakusi kuzovadzosera kumashure mukurwira zvido zvevagari vemuChitungwiza vachiti vakuru vakuru kanzuru yeChitungwiza pamwe nehurumende vanofanira kuita zvinhu zviri pamutemo.

Muzvare Kuvheya vakasungwa mushure mekuburitsa kwavanonzi vakaita vhidhiyo vachitsoropodza kanzuru yeChitungwiza pamwe nehurumende mushure mekunge vanhu vemuChitungwiza vapwanyirwa zvivakwa zvavo zvainzi hazvisi pamutemo.

Muvhidhiyo iyi, Muzvare Kuvheya, avo vakazosungwa mushure mekuhwinha kwavakaita kudare repamusoro reHigh Court kwavakange vaisa chikumbiro chekuti kanzuru yeChitungwiza, kanzuru yeHarare pamwe nehurumende dzimire kupwanyira vanhu zvivakwa zvavo zvainzi hazvisi pamutemo, vakataura kuti vachazorwisa zvese zvaiitwa nemakanzuru aya pamwe nehurumende vachiti zvaikanganisa raramo yevanhu.

Asi dare rati harina charaona pamashoko aya chinonzi chaikurudzira veruzhinji kuita zvemhirizhonga.

Vanoona nezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inongoshandisa mutemo kumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Kubva pakadzikwa mutemo uyu, nhengo yeMDC Alliance, VaMakomborero Haruzivishe, avo vakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemina, ndivo vakave munhu wekutanga kubatwa nemhosva pasi pemutemo uyu uye vari kupikisa kubatwa kwavo nemhosva pamwe nemutongo wavakapihwa.

Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakamboudza Studio 7 munguva yadarika kuti munhu anomiranemhosva dzake mumatare pasingatariswe kuti munhu abuda mumba maani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG