Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Iri Kushushikana neNyaya yeMhirizhonga


Amai Jennifer Mhlanga

Hurumende inoti iri kushushukana zvakanyanya nekukura kuri kuita dambudziko remhirizhonga ine chekuita nevanhukadzi pamwe nevanhurume, kana kuti Gender Based Violence.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare senzira yekugadzirira kutanga kwekucherechedzwa kwemazuva gumi nematanhatu ekurwisa mhirizhonga iyi, mutevedzeri wegurukota rezvevanhukadzi nekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki, Amai Jennifer Mhlanga, vati dambudziko iri rakakura zvakanyanya huye munhu wese anofanirwa kuzvipira kurirwisa kuitira kuti ripere munyika.

Amai Mhlanga vatiwo denda reCovid-19 rakawedzerawo kukwira kwe mhirizhonga iyivakatikuroodzwawo kwevana vasati vabve zera kwakakwirawo zvakanyanya.

Amai Mhlanga vatiwo mapurisa emunyika akazivisa kuti gore rino kubva muna Kubvumbi kusvika muna Chikumi, mapurisa akatambira vamhangari vemhando iyi yemhirizhonga zviuru zvina nezana nemakumi mashanu nevatatu.

Vatiwo munguva imwe chete iyi kwakamhangarwa mhosva chiuru chimwe chete nemazana maviri nemakumi masere nepfumbamwe dzine chekuita nekubatwa kwevanhu chibharo .

Munyori mubazi iri, VaMoses Mhike, vatsinhirawo vakati nyika inofanirwa kukoshesa kupedza nyaya yemhirizhonga iyi.

VaMhike vatiwo nyika haigoni kuenderera mberi kana madzimai achiri kushungurudzwa munyika.

Vatiwo zvakakosha kuziva kuti mhirizhonga iyi haibati vanhukadzi chete sezvo varumewo vari kushungurudzwawo.

Vachitaura pamusangano uyu, vakafanobata chigaro chemumiririri weUnited Nations muZimbabwe, VaAlex Gasasira, vatiwo dambudziko remhirizhonga yakadai riri kukwira uye mapazi eUnited Nations akazvipira kushanda nehurumende mukupedza dambudziko iri.

Mazuva gumi nematanhatu ekurwisa mhirizhonga iyi anotanga mangwana kusvika musi wa10 Zvita.

Hurumende yati kunyange hazvo ichaita zviitiko zvakawanda pamazuva aya, zuva guru richange riri mangwana apo vachaenda kumusha weEpworth kunovhura One Stop Center, iyo ichange ichibatsiravanhu vanoshungurudzwa.

Kuchavhurwawomusikauchabatsira madzimai akarasikirwa nemabasa nekuda kweCovid-19.

Zimbabwe yave nenzvimbo nhanhatu dzinobatsira vanenge vasangana nemhirizhonga iyi idzo dzakaumbwa kuburikidza nerubatsiro rwunobva kumasangano akasiyana siyana pamwe neUnited Nations.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG