Accessibility links

Breaking News

Muzvare Comfort Dondo Vanoburitsa Bhuku reKushungurudzwa Kwavakaitwa


Muzvare Comfort Dondo
Muzvare Comfort Dondo

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica chakatanga sangano rakazvimirira rekurwira kodzero dzevanhu, Muzvare Comfort Dondo, vanoti panguva ino yekurangarira chirongwa che 16 Days of Activism Against Gender Based Violence vachange vane zvirongwa zvizhinji zvichange zviri padandemutande zvekunzwa zvakasangana nevakamboshungurudzwa uye vari kushungurudzwa nekuvapa rubatsiro rwekuti vanga kunde seyi.

Muzvare Dondo vanoti ivo vakasangana nedambudziko rekushungurudzwa muwanano yavakange vari mushure mekuroorwa muno muAmerica.

Vanoti dambudziko ravakasangana naro ndiro rakavapa simba rekutanga sangano ravo rinonzi Phumulani Minnesota African Women Against Violence iro rinobatsira madzimai anenge atarisana nemhirizhonga pasi rose kusanganisira muZimbabwe.

Vanoti vakanyora bhuku rinopa rondedzero rwezvavakasangana nazvo ravakaparura gore rino kunyange hazvo bhuku iri rakatora nguva kunyora.

Vanoti bhuku iri rinonzi Facing The Giants.

Vanoti vanenge vachida kunzwa nezvezvirongwa zvavo vanofanirwa kuvabata paFacebook papeji rakanzi Comfort Dondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG