Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau weStudio7, Kudzanai Musengi, Anorasikirwa neMudzimai Wake, Ambhuya naTezvara Vake


Vimbai Nhutsve Musengi
Vimbai Nhutsve Musengi

Mhuri yemutori wenhau weStudio7, Kudzanai Musengi, iri kuchema zvichetevera kufa kwemudzimai wake pamwe nevabereki vemudzimai wake avo vakatorwa nedenda neCovid 19.

Mhuri iyi izere nemisodzi pamatama zvichitevera kufa kwemudzimai waMusengi, Amai Vimbai Nhutsve Musengi, avo vakashaya nezuro nechirwere cheCovid 19 zuva rimwe chete amai vavo vashaya nechirwere ichi.

Apo mhuri iyi yaive iri pakati pekuchema mudzimai waMusengi naamai vake, Mbuya Winnie Girlie Nhutsve, vatezvara VaMusengi, VaNobert Kudakwashe Nhutsve, vakabva vatorwawo nedenda rimwe chetero nezuro wakare.

Ari kutaura akamirira mhuri yekwaNhutsve vari hanzvadzi yemudzimai waMusengi, VaMartin Nyadani, vaudza Studio7 kuti semhuri vari kushushikana zvikuru nendufu nhatu idzi.

VaNyadani vati vaberekei vemudzimai waMusengi varadzikwa nhasi kwaChirumhanzu.

Mumwe akashanda nemudzimai waMusengi kwemakore gumi, VaTaitos Takawira Mangoma, vati kufa kwemumwe wavo kwasiya gwanza richanetsa kuvhara.

Mutungamiri weGweru Residents and Ratepayers Association, VaCornelius Selipiwe, avo vakashanda namudzimai wa Musengi kwenguva refu, vati mufi munhu aishanda zvikuru munyaya dzekurwira kodzero dzemadzimai.

VaNigel Nyamutumbu avo vanoshanda nesangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists pamwe neMedia Alliance of Zimbabwe, vati zvinorwadza kuti vatori venhau vari kuramba vachingofa nechirwere cheCovid 19 uye vakurudzira hurumende kuti itore matanho ekuona kuti vatapi venhau pamwe neveruzhinji vadzivirirwa kuchirwere cheCovid 19.

Sachigaro weMedia Institute of Southern Africa kuchamhembe kweAfrica, VaGolden Maunganidze vakurudzira kuti hurumende iwone kuti veruzhinji vabaiwa nhomba kuitira kuederedza mukana wekuti veruzhinji vasabatwe nedenda reCovid 19.

Amai Vimbai Nhutsve Musengi vakamboshanda semutori wenhau mukambani yeZimpapers zvichitevera kupedza kwavakaita zvidzidzo zvavo zvekutorwa kwenhau paHarare Polytechnic.

Vakazoshanda nemamwe makambani vachiita public relations vasati vaenda kunoshanda nesangano rinomirira masangano anoshanda akazvimirira reNational Association of Non Governmental Organizations.

Kusvika pavazofa nezuro, Amai Musengi vange vave kuona nezvekufambiswa kwemabasa mudunhu reMidlands kana kuti provincial coordinator vachishanda nesangano rinorwira kodzero dzemadzimai reWomen’s Coalition of Zimbabwe.

Amai Nhutsve Musengi, avo vari kuradzikwa mangwana, vasiya vana vatatu nemurume wavo, Kudzanai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG