Accessibility links

Breaking News

Madzimai Anorarama neKutengesa Bonde Osangana neMhirizhonga


Sex workers wait for clients in the red light district of Harare, Zimbabwe, June 12, 2020. As the coronavirus spreads in Africa, it increasingly threatens those who earn their living on the streets, including sex workers with HIV.

Mamwe madzimai anorarama nekuita zvepabonde kuKariba neChirundu anoti anosangana nedambudziko remhirizhonga uye haachawana mari yakawanda munguva ino yeCovid-19 zvichienzaniswa nenguva yekare denda iri risati ranetsa munyika.

Madzimai aya anoti nguva dzakawanda panoita mhirizhonga mubasa rawo sezvo vamwe varume vachiramba kubhadhara mari yavanenge vawirirana.

Mumwe mudzimai anoita zvekutengesa bonde kuChirundu, Muzvare Emily Chinake, anoti dzimwe nguva anorohwa kana ave kuda kubhadharwa mari yepabonde.

Muzvare Chinake vanoti rimwe dambudziko ravari kusangana naro nderekuti varume havachabhadhare mari yakawanda nekuda kwechirwere cheCovid-19 sezvo vanhu vasiri kufamba vakasununguka uye nzvimbo dzekutandarira dzave kuvharwa nekukurumidza.

Mumwe anorarama nekutengesa bonde kubva zvaakafirwa nemurume wake makore makumi maviri apfuura, MuzvareChenai Marowa, vanoti nguva yakare zvaibhadhara sezvo vakatotenga imba nekuriritira vana vavo vatatu.

Mukuru wesangamo reCentre for Sexual Health and HIV-AIDS Research
Zimbabwe kana kuti CeSHHAR iro rinoshanda neNational Aids Council kurapa zvirwere zvepabonde, Muzvari Joyce Mazaiwana, vanoti varume vechidiki vave kutengesawo bonde kumadzimai echikuru vari kuwanda.

Muzvare Mazaiwana vanoti sangano ravo rave nenhengo mazana mashanu dzemadzimai anorarama nekuita zvepabonde munzvimbo dzeKariba neChirundu.

Mapurisa anoti Zimbabwe haina mitemo inobvumidza vanhu kutengesa miviri yavo zvekuti vanhu vanowanikwa vachiita izvi, vanosungwa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa anongoona kuti mutemo watevedzerwa uye haanei nezvekudzikwa kwemitemo inoremekedza kodzero dzevanorarama nekuita zvepabonde.

VaNyathi vanoti mitemo inodzikwa nebazi rezvemitemo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, sezvo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Asi gweta guru raimboshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaJeremiah Bamu, vanoti munyika hamuna mutemo unorambidza vanhu kutengeserana bonde.

VaBamu vanoti nekuda kwekushaya mutemo mapurisa anopedzisira ave kusunga madzimai achivapomera mhosva yekungombeyambeya husiku nechinangwa chekutsvaga varume vekuita zvepabonde navo.

Madzimai anorarama nekutengesa bonde anoti ari kufarira zvirongwa
zveCeSHHA sezvo ave kurapwa zvirwere zvepabonde pachena uye asingatarisirwe pasi kana akaenda kunorapwa sezvaaisiyitwa muzvipatara nemakiriniki ehurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG