Accessibility links

Breaking News

Muzvare Manyara Irene Muyenziwa Vanoti Vanoda Kuita Mudzimai weKutanga Kutungamira Zimbabwe


Manyara Irene Muyenziwa
Manyara Irene Muyenziwa

Bato idzva rezvematongerwo enyika rakaparurwa svondo rino muHarare richitungamirwa nemudzimai uyo anoti shuviro yake ndeyekugadzirisa zvinhu munyika kuitira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvisatize munyika mazvo zvichinotsvaga mafuro manyoro kudzimwe nyika.

Muzvare Manyara Irene Muyenziwa ndivo vari kutungamira bato idzva re Freedom of Rights Under Sovereign, kana kuti Forus.

Manyara Irene Muyenziwa
Manyara Irene Muyenziwa

Muhurukuro yekutanga yavaita neStudio7, Muzvare Muyenziwa, avo vanogara ku Britain, vanoti vakafunga kupinda mune zvematongerwo enyika mushure mekuona kuti Zimbabwe, iyo yaenda kumawere munyaya dzehupfumi nekodzero dzevanhu, inyika yava kuda vanhu vane mazano matsva anobatsira mukusimudzira nyika kuitira kuti ifambire mberi.

Muzvare Muyenziwa, avo vanoti vakaberekerwa muHighfield, uye vakakurira munzvimbo iyi vasati vaenda mhiri kwemakungwa, vanoti shuviro yavo ndeye kuva mudzimai wekutanga kutungamira nyika kubva Zimbabwe yawana kuzvitonga muna 1980.

Mutungamiri weForus uyu, uyo anoti ane sangano rinobatsira vanoshupika rinonzi Manyara Irene Muyenziwa Foundation, vanoti vachashanda nevanhu vane gwara rakafanana neravo, uye bato ravo rinotambira munhu kuve nhengo mushure mekunge aongororwa kuti ane nhoroondo yakanaka here muhupenyu hwake, uye kuti anokodzera kuve nhengo ye Forus.

Vanotiwo vakatora danho iri senzira yekuchenesa nyaya dzematongerwo enyika, idzo dzinoonekwa nerevezhunji sedzizere tsvina, utsinye nehuori.

Muzvare Muyenziwa vanoti vagara vari munhu anoda kubatsira veruzhinji kuburikidza nemabasa avari kuita ekubatsira vanhu nemamasiki munguva ino yekurwisa dambudziko reCovid-19.

Vanotiwo basa guru ravakatarisana naro nderekuona kuti vanhu vagere kumaruwa vasimudzirwa hupenyu hwavo, kuvandudza mafungiro evanhu munyika, uye kuti Zimbabwe ishandise zviwanikwa zvayo mukuunza budiriro inosimudzira hupenyu hwemunhu wese kwete zviri kuitika pari zvino.

Panyaya yekuita chirwira ingwe kwemapato anopikisa mukubvisa Zanu PF panyanga, Muzvare Muyenziwa vanoti musuwo wavo wakavhurika kune avo vose vanoda kuita mushandira pamwe, asi vachiti vanhu ava vanofanirwa kunge vari vanhu vane gwara rinopindirana neravo.

Vamwe vari mubato iri vanoti havasati vaumba komiti inofanobata matomu sezvo vari kuda kutanga vazivisa mutungamiri webato iri kuvanhu pamwe nekusimbaradza zita ravo kuitira kuti ritambirwe nekunzwisisiwa neveruzhinji vari kutarisirwa kuzovhotera Muzvare Muyenziwa pachigaro chemutungamii wenyika.

Zimbabwe ine mapato ezvematongerwo enyika anodarika makumi maviri nematanhatu, mazhinji acho achitungamirwa nevanhurume.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti madzimai akawanda anotya kupinda mune zvematongerwo enyika nepamusana pemhirizhonga inoitirwa vanhukadzi zvikuru munguva yesarudzo.

Madzimai akasangana nemhirizhonga munguva dzesarudzo anosanganisira vainge vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozane Khupe, Amai Joice Mujuru nevamwe.

Asi Muzvare Muyenziwa vanoti havatyi kupinda mune zvematongerwo enyika, uye vakatosunga dzisimbe, zvokuti hapana kudzokera shure muhurongwa hwavo hwekuda kuva mutungamiri wenyika wechidzimai wekutanga muZimbabwe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti mapato akawanda anonyuka munZimbabwe pamberi pesarudzo asi achizonyunguduka mushure mesarudzo.

Ko izvi ndizvo zvichaitakawo here kuna Muzvare Muyenziwa nebato ravo?

Muzvare Muyenziwa vanoti vapinda mune zvematongerwo enyika, uye hapana kudududza kuchaitika mhurongwa hwavo hwekuva neZimbabwe inova chidadiso kumunhu wese ari munyika, uye iri Zimbabwe inodyidzana zvakanaka nedzimwe nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG