Accessibility links

Breaking News

Muzvinambiri Munyaya dzeNhau, Sandra Nyaira, Ochemwa neVatori veNhau Vakawanda.


Sandra Nyaira English and Shona Health Reporter for the Zimbabwe Service

Vatori venhau nemasangano enhau aratidza kusuwa kukuru zvichitevera kufa kwemuzvinambiri munyaya dzekuburitswa kwenhau, Sandra Nyaira, uyo akamboshanda neVOA Studio7 kwemakore gumi nemaviri.

Vatori venhau nemasangano enhau aratidza kusuwa kukuru zvichitevera kufa kwemuzvinambiri munyaya dzekuburitswa kwenhau, Sandra Nyaira, uyo akamboshanda neVOA Studio7 kwemakore gumi nemaviri.

Sandra Nyaira, former English and Shona health reporter for the Zimbabwe Service
Sandra Nyaira, former English and Shona health reporter for the Zimbabwe Service

Vatori venhau vazhinji muZimbabwe vanoti varwadziwa zvikuru nekushaya kwaNyaira nedenda reCovid 19 nezuro muHarare.

Mumwe wevatori venhau ava, Columbus Mavhunga, uyo akamboshanda naNyaira kuDaily News, atsanangura Nyaira semunhu aive akapfava zvikuru uye aibatsira vatori venhau vazhinji mukusimudzira basa ravo.

Mutungamiri wesangano rinomirira vatori venhau reZimbabwe Union of Journalists, VaMichael Chideme, vatiwo kushaya kwaNyaira kwasiya gwanza rakakura kwazvo mukutapwa kwenhau.

Mutungamiri wesangano reMedia Institute of Southern Africa muZimbabwe, VaTabani Moyo, vati Nyaira munhu aiita basa rake nemazvo uye kwese kwaakashanda kusanganisira Studio 7, akasiya matsimba asingafushirike.

Mupepeti webepanhau reThe Zimbabwe Independent, Muzvare Faith Zaba, avo vaiva shamwari yemufi, vati chavarwadza ndechekuti kufa kwaNyaira kwaita kuti madzimai anoita zvekutora nhau dzezvematongerwo enyika asare ave mashoma.

Mumwe mutori wenhau weStudio 7, Marvelous Nyahuye, atiwo mhuri yese yeStudio 7 iri kushushikana nekushaya kwaNyaira.

Marvelous Nyahuye Health Reporter with VOA's Zimbabwe Service
Marvelous Nyahuye Health Reporter with VOA's Zimbabwe Service

VOA inoti yarwadzikana zvikuru nekushaya kwaNyaira uyo aive musimboti muzvirongwa zveStudio7

Ari kutaura akamirira mhuri yemufi uye ari munin’ina wemufi, Muzvare Tatenda Nyaira, vaudza Studio7 kuti mukoma wavo acharadzikwa kuWarren Hills muHarare neMugovera pachitevedzerwa mavigirwo akatarwa pavanhu vese vanenge vafa nechirwere cheCovid 19.

Nyaira akatanga kushanda semutori wenhau kuCommunity Newspapers Group, ndokuzoenda kuZiana, mushure mezvo ndokuzoshandira The Daily News parakavambwa muna 1999 nemupepeti ane mukurumbira, VaGeoffrey Nyarota.

Akakwidziridzwa kuDaily News kusvika pachinzvimbo chemupepeti wenyaya dzematongerwo enyika, uye akava munhukadzi wekutanga kuva nechinzvimbo ichi kuDaily News.

Muna 2002, Nyaira akapihwa mubayiro weCourage in Journalism Award nesangano reInternational Women’s Media Foundation riri muWashington DC.

Muna 2003 Nyaira akatanga kushanda semutori wenhau weStudio7 ari muLondon, uko aiita zvidzidzo zvake zvepamusoro soro.

Akazoshandira Studio7 ari muWashington DC kubva muna 2009 semutori wenhau.

Nyaira ndiye akatanga chirongwa cheVOA Studio7 chinotarisa zvakadzama zvinosangana nevanhukadzi muhupenyu, cheWomen's Forum, pamwe nechenyaya dzehutano, izvo zvakaita kuti ave nhengo VOA Africa Health Network.

programs-studio7
programs-studio7

Mushure mezvo, Nyaira akazoitwa mupepeti wenhau weStudio7 ndokuzosiya basa iri muna 2015 achienda kunoshandira United Nations ari mu Addis Ababa kuEthiopia.

Nyaira akashaya ava nemakore makumi mana nematanhatu, uye acharadzikwa nemusi weMugovera kuWarren Hills muHarare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG