Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoshandisa Mushonga Unodzivirira Kuti Madzimai Asabatwe neHIV


Dr. Nyaradzo Mgodi of the University of Zimbabwe. (Photo: Dr. Nyaradzo Mgodi's Facebook page)

Zimbabwe yakabvumidza mwedzi uno kushandiswa kwemushonga unodzivirira madzimai kutapurirwa HIV, unonzi Dapivirine Ring.

Dapivirine Ring imhete inova inopfekwa kusikarudzi rwemadzimai kwemazuva makumi maviri nemasere.

Kana yapfekwa, inopota ichiburitsa mushonga unokwanisa kudzivirira kutapurirwa kweHIV kana mudzimai achiita zvepabonde nemudikani wake.

Sangano reMedicines Control Authority of Zimbabwe rakabvumidza zviri pamutemo kushandiswa kwe Dapivirine Ring mwedzi uno zvichitevera kubudirira kweongororo yakatanga kuitwa muna Mbudzi gore rapera.

Bepanhau repadandemutande reHealthTimes ndiro rakatanga kuburitsa nyaya yekuti Zimbabwe yabvumidza kushandiswa kweDapivirine.

Nyanzvi yakatungamira tsvagurudzo iyi muZimbabwe, Doctor Nyaradzo Mgodi, vaudza Studio7 kuti Dapivirine Ring ichashandiswa nevanhukadzi vasati vatapurirwa HIV senzira yekuzvidzivirira kuchirwere ichi.

Doctor Mgodi vati vanonzwa kufara chose kuti Zimbabwe ndiyo yakakurumidza kupa mvumo yokushandisa mushonga uyu.

Asi vati mushonga uyu hausati wava kuwanikwa muzvitoro zvemishonga sezvo paine zvakawanda zvinofanirwa kutanga zvaitwa.

Doctor Mgodi vati shuviro yavo ndeyekuti mukadzi wega wega awane chigadzirwa chekuronga mhuri yaanoda oga, zvokuti ndizvowo zvakaita kuti vatsvage mushonga weDapivirine Ring uyo wavachazvisarudzira kuti vazvidzivirire kutapurirwa HIV.

Doctor Mgodi vati vanhukadzi zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, ndivo vanotapurirwa HIV munyika nokudaro vakaona zvakanaka kuti mukadzi akwanise kuzvidzivirira pasina kupiwa mvumo nemudikanwi wake.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti Zimbabwe imwe yenyika dziri kuchamhembe kweAfrica dzine huwandu hwevanhu vari kurarama nedenda reHIV/AIDS.

Zimbabwe ine vnhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana vane HIV/AIDS.

Ongororo yeDapivirine Ring yakaitwa muZimbabwe, Malawi, Uganda ne South Africa nedzimwe nyika pasi pechirongwa chinonzi Aspire Study chakaitirwa muSouth Africa, zvokuti shambo iyi yakaonekwa kuti hairwadzise mupfeki wayo kana kukonzera hurwere kuvanhukadzi vanenge vachiishandisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG