Accessibility links

Breaking News

Amai Nyampinga Vanoti Kuwomesa Mitemo yeMasangano Akazvimirira Hakuvadzoreri Shure Mubasa Ravo


Dr. Beauty Rita Nyampinga,
Dr. Beauty Rita Nyampinga,

Mumwe wevakapiwa mubairo wekurwira kodzero dzevanhu, we“Women of Courage Award”, Doctor Rita Nyampinga, vanoti pane basa rakawanda rinofanirwa kuitwa mukurwira nekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu sezvo hurumende ichiedza kuwomesa mashandiro emasangano akazvimirira anobatsira vanhu munyika.

Doctor Nyampinga vataura izvi zvichitevera mashoko akataurwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe ekuti pazuva rekucherechedza vanorwira kodzero dzevanhukadzi panguva ino yechirongwa chakanangana nekupedza mhirizhonga, che “16 Days of Activism Against Gender-based Violence”, America inocherechedza vanhukadzi veZimbabwe vana vakapiwa mubairo wekushinga mukurwira kodzero dzevanhukadzi, we “Women of Courage Award”, vanosanganisira Doctor Nyampinga, Amai Beatrice Mtetwa, Muzvare Jestina Mukoko, naAmai Jenni Williams.

Doctor Nyampinga vanoti kurwira kodzero dzevanhu kuri kuramba kuchioma nguva nenguva, sezvo hurumende iri kuvhiringa masangano akazvimirira anobatsira vanhu, ichiramba ichichinja mitemo inobata masangano aya kuti basa ravo rigozhe asi vachiti izvi hazvivaodzi moyo sezvo ivo nevamwe vavo vacharamba vachiita basa ravo nemazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG